WASHINGTON —
Vatungamiri venyika dzemu Africa pamwe nevari musangano weEurope Union neChitatu vakazeya zviri kuitika muCentral African Republic muchirongwa chiri kumucheto kwemusangano mukuru uri kuitirwa mu Brussels ku Belgium.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau neChitatui, munyori mukuru weUnited Nations, VaBan Ki-Moon, vati vachakomekedza vatungamiri venyika kuti vaone kuti mu C.A.R mune kugadzikana pamwe nekuwanirwa rutsigiro rwemari.
VaBan vati pasi rose harisati raita zvarakavimbisa kuti richaitira nyika iri mumhirizhonga iyi. Vatiwo mauto erunyararo emu Africa neeku France ari mu C.A.R haana zvikwanisiro uye ari kremerwa nemutoro waakatakura.
Vatiwo C.A.R inoda hurongwa hunobata mativi ose ezvematongerwo enyika, pamwe nemari kuitira kuti hurumende ikwanise kudzosera mauto nemapurisa pamabasa aanofanirwa kunge achiita.
Vatungamiri venyika makumi manomwe dzemu Africa nemu Europe vari kupinda musangano mukuru uyu, uyo uri kuitwa panguva iyo sangano re european union, riri kuparura hurongwa hwemauto achange achishanda ari muC.A.R.
European Union yabvuma kutumira mauto anosvika chiuru chimwe chete, ayo ari kubatana nemauto emu African Union zviuru zvitanhatu, uye eku France zviuru zviviri.
Mauto ekunze aya ari kutarisisa kudzivirirwa kwevanhu vechitendero chechi Muslim, avo vari kurwiswa nechikwata chichitendero chechi kritsu.
Zviuru nezviru zvevanhu vechi Muslim vakatiza misha yavo, vazhinji vachienda muhupoteri munyika dzakavakidzana neC.A.R chikwata chinopikisa va balaka chakaumbwa gore rapera senzira yekudzosera kurwiswa nekuurayiwa kwevanhu kwaiitwa nechikwata che Muslim – Seleka.
Zvichakadaro, vatungamiri venyika dzemuAfrica nevari muEU ava vakatangawo neChitatu musangano mukuru weEuropean Union - Africa Summit pasina munhu ari kumirira hurumende yeZimbabwe.
Dingindira remusangano uyu ndere kuunza budiriro muvanhu uye runyararo kana kuti "Investing in People, Prosperity and Peace." Nyaya dziri kuzeyiwa dzinosanganisira nyaya yedzidzo, vechidiki, mitemo uye nyaya dzekushanyirana kwezvizvarwa zvenyika idzi.
Kumucheto kwemusangano mukuru uyu kwanga kune mimwe misangano midiki inosanganisira yevechidiki, mabhizimisi nenhengo dzematare eparamende EU neAfrica, iyo yakabuda nezvisungo zvichange zvichizozeyiwa nemusangano mukuru. Kumisangano iyi ndiko kwakaendawo zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe.
Variko vanosanganisirawo nhengo yeMDC-T mudare reparamende, Muzvare Thabitha Khumalo, pamwe namuzvinabhizimisi, VaNigel Chanakira. VaChanakira vaudza Studio 7 kuti misangano iri kufamba zvakanaka nevemabhizimisi.
Munyori mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaJoey Bimha, vaudza Studio 7 kuti hurumende haina wayakatumira kunoimira kumusangano mukuru uyu zvichitevera kuramba kwakaita mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuenda kumusangano uyu sezvo mudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, vakanyimwa vhiza rekupinda mu Belgium.
Asi mumiriri we E.U muZimbabwe, VaAldo Dell Ariccia, vanoti musangano we EU-Africa uri kufamba zvakanaka uye hukama hweZimbabwe ne EU hunogona kugadzirika hawo mune ramangwana.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru wesangano reEconometer Global capital, VaChris Mugaga, vanoti kusaenda kweZimbabwe kunokanganisa hurongwa hwekukwezva vemabhizinesi vekunze.