Accessibility links

Breaking News

Vamwe muZanu PF Voramba Kodzesera Mota dzeBato VaMugabe Vakatarisa


Kunetsana nekukandirana makobvu nematete muZanu-PF kuri kuenderera mberi kunyange hazvo bato rainge rati ragadzirisa zose zviri kunetsa.

Bato iri rakaburitsa mashoko aya mushure memusangano wePolitiburo wakaitwa neMugovera.

Nhengo dzebato iri dziri muparamende dzinonzi dziri kuramba kudzosera motokari dzebato dzinodarika mazana maviri negumi dzemhando yeFord Ranger neFord Everest dzakashandiswa musarudzo dzapfuura.

Munyori anoronga mabasa muZanu-PF, VaDidymus Mutasa, vakapa vanhu vari kuramba kudzora motokari idzi mazuva matatu ekuita izvi kusvika neChitatu kana kuti vanenge votora motokari idzi nechisimba.

Vamwe vakuru mubato iri vanoti VaMutasa vasimbisawo kuti motokari idzi, dzimwe dzacho dziri kuda kushandiswa pasarudzo dzematunhu ebato iri dziri kuitwa neMugovera, nekudaro dzinofanira kuti dziendeswe nechimbi chimbi kumahofisi ebato mumatunhu ose.

Asi zvinonzi vazhinji vachiri vakatsika madziro vachiti havasi kuzodzora motokari idzi kusvika gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vaisa mari muhomwe yeparamende yekuti vakwerete mari dzekutenga motokari.

VaChinamasa vanoti pari zvino havana kwekuwana mari inosvika mamiriyoni gumi nemanomwe yekuti vaumbe homwe yemari iyi.

Asi nhengo dzeparamende idzi dzinoti VaChinamasa havavaremekedze sezvo vakawana mari inosvika mamiriyoni makumi maviri yekutengera makurukota ehurumende, vakuru vemauto nevasori zvikakakarara zvemotokari.

Vanokokera Zanu-PF mudare reparamende, VaJoram Gumbo, varamba kutaura nezvenyaya iyi vakati titaure naVaMutasa kana vanoona nezvemabasa ematongwerwo enyika, VaWebster Shamu. Vaviri ava vange vasingadaire nhare mbozha dzavo.

Nyanzvi munya dzezvematongerwo enyika, uye vari chipangamazano musasangano reInternational Crisis Group kuchamhembe kweAfrica, VaTrevor Maisiri, vanoti zvoitika zvinoratidza kuti muZanu-PF yave wada watonga, muzinda wenyuchi.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zviri kuitika muZanu PF zvinoratidza kuti mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vavakuonekwa sevhunurwa renyoka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG