Accessibility links

Breaking News

COPAC Yotura Zviri Pamutemo Gwaro reBumbiro Idzva Muparamende


Parliament of Zimbabwe
Parliament of Zimbabwe
Dare reparamende ratanga basa neChipiri komiti yaro iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCOPAC, ichizivisa dare iri kuti ichakumbura dare iri neChitatu kuti ritambire gwaro rayo remafambisirwo akaitwa basa rekunyora bumbiro pamwe negwaro racho rebumbiro idzva rakanyorwa nekomiti iyi.

Mumwe wemasachigaro matatu eCOPAC, VaDouglas Mwonzora, veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, ndivo vatura chiziviso ichi kudare reHouse of Assembly.

Pachitevedzwa mitemo yedare reparamende, mushure mekunge VaMwonzora vatura izvi mudare, nhengo dzedare iri dzinenge dzotarisirwa kuzeya magwaro maviri aya, ayo apihwa nhengo dzese dare iri.

Mutemo unoti gwaro rebumbiro idzva rinofanirwa kushambadzwa kwemwedzi miviri kana mitatau pasati paitwa referendamu. Kana gwaro iri rikabudirira paraferendamu, rinodzoka zvakare kuparamende kuti ritambirwe semutemo. Kana rikarambwa pareferendamu, ndiyo inobva yava pakaperera sarungano pechirongwa ichi.

Mapato ari muhurumende akawirirana muna Ndira pazvinhu zviri mugwaro rebumbiro idzva, uye ava kuti gwaro iri richiendeswa kureferendamu sezvinodiwa nechibvumirano che Global Political Agreement, icho chakavaka hurumende iripo, sehurumende yekufanotonga gakava remuZimbabwe pakati pemapato richigadziriswa.

Mune imwewo nyaya yaitika muparamende, mumiriri weMagwegwe mudare iri, VaFelix Sibanda, vashora bazi remapurisa nebazi raRegistrar General vachiti mapazi aya haasi kuendesa mari dzehurumende dzaanowana pabasa ravo kubazi rezvemari sezvinodiwa pamutemo.

VaSibanda vati mumapazi maviri aya mave nehuwori hunotyisa vachiti mapurisa ave kungomira pese pese achitora mari idzo dzisingasvitswi kubazi rezvemari.

Vachitsigira VaSibanda, mumiriri weZengeza West, VaCollin Gwiyo, vatiwo bazi rinoona nezvemukati menyika riri kutadza kuita basa raro nemazvo nekuti riri kutadza kuona kuti mapazi ari pasi paro atevedzera mutemo wekubatwa kwemari dzehurumende.

Vatiwo nyaya yemapurisa yekumira pese pese mumigwagwa yakakurukurwa nezvayo kare zvekuti pari zvino nyika ingadai yave neruzivo rwekuti mapurisa ari kuunganidza mari yakawanda zvakadii pamwedzi wega wega.

VaGwiyo vati nyaya yapinzwa mudare naVaSibanda yakanangana nekuona kuti hurumende yaunganidza mari yakawanda izvo zvinozoita kuti ikwanise kubhadhara vashandi vayo zvinofadza pamwe nekufambisa mabasa ayo nemazvo.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti mapazi ehurumende mazhinji haasi kuvapa mari dzehurumende dzaanowana uye izvi zvave kukanganisa mabasa ehurumende.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG