Accessibility links

MDC-T Inoenda kuHigh Court Ichipikisa Danho raVaMugabe


Bato RaVaMorgan Tsvangirai rakwirira VaRobert Mugabe kudare repamusoro. (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)

Bato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai raendesa kumatare mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, richiti kuzivisa kwavakaita mazuva ekunyoreswa kwevanhu kuti vazokwanisa kuvhota kuri kunze kwemutemo.

Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora vanoti vatora danho iri senzira yekumisa hurongwa uhwu vachiti Zimbabwe Electoral Commission isati yapedza kugadzirira.

VaMugabe vakazivisa kuburikidza nemasimba avo semutungamiri wenyika kuti hurongwa uhwu huchatanga zviri pamutemo munyika yose musi wa14 Gunyana kusvika musi wa15 Ndira, kunyange hazvo ZEC yakazivisa kuti ichatanga kunyoresa vanhu muna Gumiguru.

Asi VaMwonzora vanoti sekuziva kwavo ZEC, haisati yapedza kugadzirira kunyoresa vanhu sezvo michina ye biometric voter registration, iyo ichashandiswa mukuumba gwaro revavhoti idzva, isati yasvika yose munyika.

Vanotiwo michina inodiwa pakuchengeta zvinenge zvaunganidzwa kana kuti ma server, haisati yatengwa.

ZEC yakatenga michina zviuru zvitatu kubva kukambani yeLaxton Group yekuChina asi michina mazana mana chete ndiyo yave munyika, iyo iri kushandiswa kudzidzisa vanhu vachaita basa rekunyoresa vanhu.

VaMwonzora vanoti vamwe vavakwirira kudare repamusoro iZimbabwe Electoral Commission, ZEC, pamwe negurukota rezvemutemo rinove VaEmmerson Mnangagwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG