Munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti mapurisa anodzivirira mhirizhonga aswera akaungana pamahofisi avo muHarare, muchiitiko chavanoti chinotyisidzira pamwe nekuvhiringidza mashandiro avo.
VaMoyo vanoti vashamisika mangwanani eChitatu kuwana motokari nhatu dzizere mapurisa akapfeka nhumbi dzekudzivirira mhirizhonga dzakapakwa pamusuwo wekupinda pamahofisi avo, ivo vasina kumbobvira vakumbira kuti vachengetedzwe nemapurisa.
Chiitiko ichi chinouya mazuva mashoma mapurisa arambidza nhengo dzesangano iri kuratidzira neMugovera dzichinyunyuta nekuramba kuri kuita vashandi vachirasikirwa nemabasa.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.
Asi VaMoyo vanoti vaudza magweta avo kuti atore matanho pamusoro pezvaitwa nemapurisa izvi.