Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veZanu PF kuMashonaland West Vopika Kuti Vachamira naVaMnangagwa


Vechidiki veZanu PF kuMashonaland West.
Vechidiki veZanu PF kuMashonaland West.

Nhengo dzevechidiki dzebato riri kutonga reZanu PF dzinoti dzichamira nemutungamiri webato uye vari mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa dzichipesana nevanhu vari kuda kuratidzira vachinyunyuta nemamiriro ezvinhu, zvikuru sei vechidiki vebato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa.

Vachitaura nhasi muChinhoyi pamusangano weboka revechidiki, sachigaro wevechidiki mudunhu reMashonaland West, VaVengai Musengi, vanoti vachatsigira VaMnangagwa nepose pavanogona uye vakaramba vachigona basa ravo vachavapa mumwe mukana wekutungamira nyika.

VaMusengi vanoti bato reMDC riri kushandiswa nevanhu vavasina kudoma nemazita vachiti kunyange vakaratidzira hapana chinoshanduka pahutungamiri huripo, vachiti kunyange VaMnangagwa vakabva MDC hapana chainowana sezvo nhengo yeZanu ndiyo inongotonga.

Imwe nhengo yevechidiki inoona nezvekuchengetedzwa kwemusangano muboka revechidiki, VaSilas Chimbiru, vanoti vachabvisa matanda anenge aiswa nevanhu nevanenge vachiratidzira pamwe nevanhu vacho.

Vechidiki veZanu PF vasungawo chisungo chekuti vachatora motokari dzose dzebato dzakabviswa mufananidzo webato nenhengo dzebato ravo dzavanoti dzave kunyara kufamba nemotokari dzine mucherechedzo weZanu PF nekuda kwekuoma kwakaita zvinhu munyika.

Panyaya yekubviswa pachigaro kwaVaMnangagwa nevhoti yemuparamende kana kuti impeachment, VaMusengi vanoti havaone izvi zvichiitika kunyange paine nhengo dzeparamende dzakapinda nechitsotsi.

Asi nhengo yevechidiki yeMDC, VaDavid Malunga, vanoti havatyisidzirwe nemapanga emashanga vachiti vachaenderera mberi nekuratidzira sezvo vari kuda kununura munhu wese kusanganisira nhengo dzeZanu PF.

Vechidiki veZanu PF vanotiwo vanofara nekupihwa chigaro chekurongwa kwemisangano mubato ravo kwakaitwa VaVictor Matemadanda naVaMnangagwa.

VaMusengi vakurudzira vechidiki kuti vasanyare nemusangano weZanu PF nekudaro vanofanirwa kupfeka nhumbi dzebato nguva dzose.

Vanoti vataura izvi nekuda kwekuti nhengo dzevechidiki dzapinda musangano wanhasi dzakawanda dzanga dzisina kupfeka nhumbi dzebato.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG