Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inoti Yakadzidza Zvakawanda Kubva muSarudzo dzePrimary


Mutevedzeri wemunyori anoona nezvemutemo muZanu PF, VaFortune Chasi.
Mutevedzeri wemunyori anoona nezvemutemo muZanu PF, VaFortune Chasi.

Mutewedzeri wemunyori anoona nezvemutemo muZanu PF, VaFortune Chasi, vanoti kunyange hazvo sarudzo dzdzekutsvaga vachamirira bato ravo musarudzo dzegore rino, dzema primary, dzakaita mutauro mune dzimwe nzvimbo, dzakapa vatsigiri vebato ravo mukana wekusarudza vanhu vavanoda kuti vavamirire musarudzo.

VaChasi vanoti bato ravo rakadzidzawo zvakawanda musarudzo idzi, sezvo vakashandisa nzira itsva yekutsvaga nayo rutsigiro, yekuti vanoda kukwikwidzana vanofamba pamwechete vachitsvaga rutsigiro pamwechete, vanhu vozosarudza vavanofunga kuti anokwanisa kuvamirira.

Vanoti kunyange hazvo dzimwe nzvimbo dzakaita mutauro, bato ravo rakazvigadzirisa kuburikidza nekudzokorora sarudzo idzi.

VaChasi vanotiwo vanhu havafanirwe kuenzanisa zvakaitika mubaro ravo nezvinonzi zviri kuitika musarudzo dzebato reMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, sezvo hutungamiri hwebato ravo husina kudzika vanhu kuti vamirire bato sezvavanoti zviri kuitika muMDC-T, izvo vanoti zvaita kuti dzimwe nhengo dzebato iri dzibude.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG