Accessibility links

Breaking News

MuZanu PF Moita Bata Murefu Bata Mupfupi NeNyaya yeZvigaro


Zanu PF

Gurukota rinoona nezvedunhu reMashonaland West VaWebster Shamu vanonzi vakarambidzwa kuti vakwikwidze musarudzo dzemaprimary dzenhengo redare reparamende vachinzi vasiire vechidiki ivo voenda kusenate.

Izvi zviri kuuya apo pave kuita bata murefu bata mupfupi mubato reZanu-PF pakunetsenerana nyaya yezvigaro zvekukwikwidza kuve makanzura kana kupinda mudare reparamende neSenate.

Dzimwe nhengo dzebato reZanu PF mudunhu reMashonaland West dziri kushoropodza kubviswa kuri kuitwa mazita evamwe vari kuda
kukwikwidza musarudzo dzemaprimary dzebato iri.

Nhengo dzebato iri idzo dzakaungana nemusi weMugovera muChinhoyi apo paisarudzwa vachakwikwidza sevamiriri veparamende nemakanzuru dzinoti zvinhu zvainge zvisingafambiswe zvakanaka sezvo dzimwe nhengo dzaibvisirwa maCV adzo nezvikonzera zvisinga nzwisisike.

VaWebster Shamu vakanzi vasiire chigaro mumwe wevechidiki, ivo vakanzi vamiririre kuSenate izvo zvaonekwa nevakawanda sekupa mukuru wevechidiki VaVengai Musengi mukana wakakura kuti akunde mumaprimary ayo ari kuitwa mwedzi unouya.

Vamwe vakarambidzwa kukwikwidza vanoti chinonyanya kurwadza panyaya yekusarudza vanokwikwidza ndechekuti vari kuda kukwikwidza ndivo vari kubvuma kana kuramba maCV evari kuda kuvakwikwidza.

Imwe nhengo yaida kukwikwidza ari murwi werusununguko uyo isina kuda kudomwa nezita anoti hurongwa hwekusarudza vanofanirwa kupinda musarudzo yekumirira bato reZanu PF iri kuitwa zvinechitsotsi mukati.

Nhengo iyi inoti dzimwe nhengo dzebato kubva kune rimwe dunhu ndidzo dzaifanirwa kunge dzakaita basa rekutarisa maCV’s kuti vaone vanokodzera kukwikwidza kwete dzimwewo nhengo dziri kuda kukwikwidza zvigaro zvimwechete.

Imwewo nhengo yanga ichida kukwikwidza yakarambidzwa, VaPanashe Jimu
vekuKadoma vanoti nhengo dzose dzinoda kukwikwidza dzinofanirwa
kubvumidzwa nekuti ndiro jekerere racho.

VaJimu vanoti havasi kufarira kudzoserwa kwevakura kuti vakwikwidze musarudzo sezvo zvisingaenderani nehurongwa hutsva hwemafungiro echidiki ari kuratidzwa kune mamwe mapato akaita seMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa.

Kusafambiswa kwekusarudzo dzevachakwikwidza mumaprimary kunonzi neimwe nhengo yebato iri kuchaita kuti vakawanda vasavhotere nhengo dzeZanu PF idzi asi mutungamiri wenyika chete.

Sachigaro weZanu PF mudunhu reMashonaland West, VaZiyambi Ziyambi vanoti hapana munhu wavakarambidza kukwikwidza sezvo riri basa rebazi guru reNational Directorate.

VaZiyambi vanoti sedunhu vaingoongorora kuti tsamba dzekuda kumiririra bato dzainge dzichiienderana nezvinodikanwa here uye nekunyora vachinyeurira bazi guru pamusoro pevanhu vainge vanyorera kukwikwidza musarudzo dzemaprimary.

Vanoona nezvemitemo muZanu-PF VaPaul Mangwana vakamboudza Studio 7 kuti vakuru vebato chete ndivo vanobvuma kutambira kana kuramba maCV aya.

Zvichakadaro kuGoromonzi kuMashonaland East, gurukota rezvevashandi Amai Petronella Kagonye uye VaEnergy Mutodi vanonzi vakazoita chitsoka ndibereke mushure mekunge voda kurohwa nevanhu vachipomerwa mhosva yekutorawo maCV evaida kukwikwidza mudunhu iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG