Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inoti Musangano Wayo wePolitburo Hauneyi neKutsvaga Achatora Chigaro Chaive naVaMohadi


Vaive mutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi

Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi varamba mashoko ekuti musangano wePolitburo uri kutarisirwa kuitwa nebato ravo pamuzinda waro muHarare neChitatu wakanangana nekuzeya nyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi.

VaMohadi vakasiya basa vachipomerwa mhosva dzekuita zvepabonde nemadzimai akawanda kusanganisira vakaroorwa. Nyaya idzi dzakaburitswa mubepanhau repainternet reZimlive kunyangwe VaMohadi vari kuti vari kuzorwa mafuta engure yavasina kudya.

Vebato reMDC Alliance nemamwe masangano anorwira kodzero dzemadzimai akai seWomen's Academy for Leadership and Political Excellence vainge vakurudzira VaMohadi kuti vasiye basa.

Vaimbova mumiriri weMasvingo Central vari nhengo yeMDC Alliance, VaJeffrey Chitando vanoti semaonero avo VaMohadi vakaita zevkumanikidzwa kusiya basa.

Hurukuro naVatafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaChitando
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG