Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voyambira VaChamisa Kuti Varemekedze Kodzero Dzave Munyika


Mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa,
Mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa,

Mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vayambira mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa kuti vasafarise vachiita zvavanoda munyika nekuda kwekodzero dzevanhu dzavati dzave kuwanikwa munyika.

Vachitaura pamusangano wavo wekutanga wekutenda vatsigiri vebato ravo nekuvavhotera kwavakaita musarudzo dzapfuura vari paMurombedzi Growth Point kwaZvimba mudunhu reMashonaland West, VaMnangagwa vati VaChamisa havafanirwe kufunga kuti vakapusa nekuvarega vachitaura nekuita zvavanoda munyika.

VaMnangagwa vati vakaunza nguva yejekerere munyika inofanirwa kuremekedzwa naVaChamisa nevamwe vavo.

VaMnangagwa vati munyika makaitwa sarudzo dzakanga dziine runyararo uye ivo vakakunda, nekudaro vanofanirwa kuremekedzwa nevanhu vose kusanganisira nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaChamisa.

Vatiwo nhengo dzeMDC dzicharamba dzichiburitswa muparamende dzakasavaremekedza nekusimuka kana vaenda kuparamende, uko vati vacharamba vachienda.

Mashoko aVaMnangagwa aya atsinhirwa nemumwe wevatevedzeri vavo VaConstantino Chiwenga, avo vati VaChamisa muparidzi wenhema uyo ari kurota achitonga, izvo vati zvisingazoitike nekusingapere.

VaMnangagwa vati bato ravo richashandurawo mitemo muparamende kuti vaite zvavanoda sezvo vane nhengo dzinodarika zvikamu zviviri pazvitatu.

Asi mutauriri weMDC, VaJacob Mafume vati bato ravo harisi kuzoshaiswa hope nekwavanoti kuhumana kwevatungamiri veZanu PF vaviri ava sezvo vana veZimbabwe vari ivo vanosarudza mutungamiri avanoda, kwete VaMnangagwa kana VaChiwenga.

VaMnangagwa vashamisawo vanhu vakawanda apo varumbidza vaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, avo vavati vari kurwara vari kunyika yeSingapore, vachiti ndibaba venyika.

VaMnangagwa, avo vanga vakachengetedzwa zvakasimba nemauto, vashoropodza vemabhizimisi vari kukwidza mitengo yezvinhu vachiti vose vari kuramba kuderedza mitengo vachatorerwa marezinesi.

Musangano wanhasi ndiwo wekutanga wekutenda vanhu nekuvhotera bato reZanu PF musarudzo dzadarika.

Nyaya ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG