Vatsigiri veZanu PF vari kurwisana kuChiredzi West vachipomerana mhosva dzekuda kuburidzira musarudzo dzema primaries dziri kuitwa nemusi weSvondo.
Vatsigiri vari kurwisana kuChiredzi West ndeavo vari kutsigira VaDarlington Chiwa naVaFrancis Moyo, vachirwisana nevatsigiri vaVaFarai Musikavanhu.
Vatsigiri vaVaChiwa naVaMoyo vanoti VaMusikavanhu vari kushandisa vanhu vari kuvhotesa mudunhu ravo kuti vabvise vose vanozivikanwa kuti vari kutsigira VaMoyo naVaChiwa.
VaMoyo vati ichokwadi kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka pagadziriro yesarudzo dzeSvondo.
"Ichokwadi zvaitika ndevekuti pavaka deploya vanhu for my cells verification mu maward, vakadeploya vanhu vasiri mu ma structures, uye vanhu vari ma kambeni managers a Msikavanhu, saka tirikuiti vanhu vane chitupa ne registration slip ye BVR ngava bvumidzwe kuvhota nekuti pari kugadzirwa ma parallel structures a ri aligned to one candidate."
Kunyange pasina akakuvara zvakaipisisa pakurwisana kwakaitika, zvinonzi vari kutungamira kambeni yaVaMsikavanhu, Va Benard Mhundurwa, vakarohwa vakakuvara uye vakamhangara nyaya yavo kumapurisa ekuChiredzi Central.
Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inspector Charity Mazula, varamba kutaura nezve mhirizhonga inonzi yakamhangagrwa kuChiredzi.
Asi VaMoyo vabvuma kuti ichokwadi kuti kwakaitika mhirizhonga.
"Ichokwadi ndozvaitika zvakatoitika nezuro nekuti munhu aka deployiwa kuward 28 munhu anga ari kuMDC achizivikanawa ari activist ye MDC so ndiye akanzi averifaye ma cells e Zanu PF so ma youths vanguard of the party zvaka vashungurudza vachibva vamubata."
Vachitaura parunhare VaChiwa vatiwo havasi kufara nekubviswa kwevatsigiri vavo munzvimbo dzavari kufanirwa kuvhota nemusi weSvondo.
Zanu PF yakati vose vari kukwikwidzana vafambe pamwe chete vachitsvaga rutsigiro. Asi kuChiredzi zvinonzi zviri kuramba kushanda sezvo vachakwikwidzana vakarimirana kumuganhu.
VaMsikvanhu varamba kutaura zviri kuitika vachiti inyaya inotaurwa nevakuru vabato ravo.
Sachigaro we Zanu PF muMasvingo, VaEzra Chadzamira, vati vari kunetsana nyaya dze masero vari kutambisa nguva yavo nekuti munhu wese anotsigira Zanu PF ari musero uye anobvumidzwa kuvhota.
"Munhu wose unovhota saka hapana anoti uyu wangu anovhota uyu haavhoti kana tichiti cell toreva munhu wose zvake saka issue yekuti kwahi vanhu vanonetserana cell its null and void, Cell inongoreva munhu wose wangouya unovhota kusara kweve MDC chete."
Ku Zaka Central, VaJames Dhobha na VaParadzai Chakona vanonzi vakabatana pahuro vakazodzorwa nevanhu nezuro vatadza kunzwisisana pane zvavaitaura vachikambena pamberi pevatsigiri vavo.
Studio 7 yakakundikana kubata vaviri ava kuti tinzwe divi ravo.
Facebook Forum