Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yonzi neVari kuKwikwidza Vakazvimirira Iri Kuvasvibisa


Nhengo dzeZanu PF
Nhengo dzeZanu PF

Vamwe vanhu vari kukwikwidza musarudzo vakazvimirira vanyorera tsamba kuZimbabwe Election Commission, ZEC, vachinyunyuta kuti bato reZanu PF riri kusvibisa mazita avo richiti vanhu ava inhengo dzakadzingwa mubato.

Mumwe anyorera tsamba kuZEC, VaIsrael Jecob Nyandoro, vanoti havasi nhengo yebato reZanu PF uye zviri kuita Zanu PF zvekuudza vanhu vachiti vakadzingwa mubato iri, manyepo.

VaNyandoro, avo vanoti mwana wamuchakabvu George Nyandoro, mumwe weavo vakavamba bato reZanu PF, vanoti havana kadhi rebato reZanu PF uye havana kana kukwikwidza musarudzo dzekutsvaga achamirira Zanu PF.

VaNyandoro vanoti vanyorera ZEC kuti imanikidze bato reZanu PF kuti rijekese kuti havasi nhengo yavo sezvavari kufamba vachitaura uye kuti vari kutyora mutemo une chekuita nesarudzo wekunyepera munhu nedonzvo rekusvibisa chimiro chemunhu kune vamwe vanhu.

Mutsamba yavanyora kuZEC, VaNyandoro vanoti Zanu PF iri kutyora mutemo wesarudzo nekutaura zvemanyepo pamwe nekusvibisa chimiro chemunhu.

VaNyandoro vayeuchidza ZEC kuti vari kuzvimirira musarudzo yeparamende muChinhoyi vasina bato ravakarerekera, kana kumirira.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuhutungamiri hweZanu PF muChinhoyi.

Mune imwewo nyaya, vamwe vanhu vari kushaya mazita avo mumagwaro ane mazita evanhu vakanyoresa kuvhota.

Vari kukwikwidza vakamirira MDC Alliance muChinhoyi muwadhi 11, VaTendai Musonza, vanoti ajendi wavo, VaTendai Muchochoma, havasi mugwaro revavhoti kunyange vaine gwaro rinoratidza kuti vakanyoresa.

VaMusonza vanoti vaudzwa neZEC kuti vanyore tsamba vachitsanangura dambudziko ravo sezvo vari ivo vanga vapihwa gwaro iri semumwe wevari kukwikwidza.

Asi VaMusonza vanoti kushaikwa kwemazita evanhu vane umboo hwekuti vakanyoresa hazvipe chimiro chakanaka musarudzo dzichaitwa kupera kwemwedzi uno.

Mukuru weZEC mudunhu reMashonaland West, VaAustin Ndlovu, vati havana mhinduro pari zvino sezvo vachifanirwa kutanga vaongorora kuti chii chakaitika vasati vataura nevatori venhau.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG