Accessibility links

Breaking News

Kupindira Mumatongerwo eNyika Kwaitwa neMauto Kozeyiwa


General Chiwenga, vanoshora kusagadzikana kuri muZanu PF
General Chiwenga, vanoshora kusagadzikana kuri muZanu PF

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mutungamiri wesangano revarairidzi reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vanoti zvakaitwa nemukuru wemauto, VaConstantino Guvheya Chiwenga, neMuvhuro zvekutaura pamusoro pezviri kuitika mubato reZanu PF mucherechedzo wekuti mauto haasi kutevera bumbiro remitemo yenyika.

Doctor Zhou vanoti bumbiro remitemo rinoti mauto haafanirwe kupindira mune zvematongerwo enyika, asi munhoroondo yemauto vachitsigira bato riri kutonga reZanu PF.

Asi Doctor Zhou vanoti mauto ane kodzero zvawo yekupindira kana paonekwa kuti kugadzikana kwenyika kwave kukanganisika, kwete nekuti vanhu muZanu PF vatadza kugarisana zvakanaka.

VaChiwenga vakaita musangano nevatori venhau neMuvhuro, apo vakayambira vanhu vari kukonzera kusagadzikana muZanu PF kuti vachatorerwa matanho, vachiti mauto haangarambi akapeta maoko zvinhu zvichiwondomoka munyika.

Doctor Zhou vanoti VaMugabe vanogona kutorera VaChiwenga matanho kana kuti ivo VaMugabe vanogona kutokumbira kumauto kuti vagarisane zvakare sezvavaiita kare.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG