Accessibility links

Breaking News

Kuongororwa kweMazita kunotanga Dzimwe Nzvimbo muMashonaland West Dzisina Magwaro eVavhoti


Vanhu vari kukurudzirwa kunotarisa mazita avo kuti vaone kana akanyorwa zvakanaka mugwaro revavhoti.
Vanhu vari kukurudzirwa kunotarisa mazita avo kuti vaone kana akanyorwa zvakanaka mugwaro revavhoti.

Chirongwa chekutarisa mazita mugwaro revavhoti chatanga nhasi dzimwe nzvimbo mudunhu reMashonaland West dzisina magwaro ane vanhu vakanyoresa kuvhota uye kuine vanhu vashoma varikutarisa mazita avo.

Nzvimbo zhinji dzekutarisa kuti mazita akanyorwa zvakanaka here uye kuti arimo here mugwaro revavhoti dzine matende dzanga dzisina zvinhu zvekushandisa zvinosanganisira magwaro akanyorwa.

Nzvimbo dzanga dziine zvekushandisa zvose dzanga dzichi bvakachirwa nevanhu vashoma pane vari kutarisirwa.

Munhu wese anosungirwa kuti atarise kuti zita rake rakanyorwa here mugwaro remazita evanhu vakanyoresa kuvhota iri.

Dzimwe nzvimbo mudunhu reMakonde dzanga dzisati dzavhurwa pasvika nguva dzemasikati sezvo vashandi veZimbabwe Election Commission, ZEC, vanga vasati vasvika.

Mukuru weZEC mudunhu reMashonaland West, VaAustin Ndlovu, vanoti dzimwe nzvimbo dzangadzisati dzavhura nekuda kwekushaikwa kwezvekufambisa pamwe nemafuta edzimotokari, ayo ari kushaikwa munyika yose.

VaNdlovu vanoti chirongwa chavari kuita hachisi chekutarisa mazita evanhu vanyoresa kuvhota chete asi kuti mazita iwayo akanyorwa zvakanaka here.

VaNdlovu vanoti vanhu vanofanirwa kutora mukana uyu kuti vanyoresewo kuvhota kana vachinge vasati uye kuti vachashaiwa mazita avo vane mukana wekunyoresa zvakare.

Vanhu vakanyoresa kuvhota kune dzimwe nzvimbo vanokwanisawo kuchinja kwekuvhotera muchirongwa chiri kuitwa ichi.

VaPercy Nyamandwe mumwe weavo vashanyira nzvimbo dzeZEC vachida kuchinja kwekuvhotera.

Vanhu vanokwanisawo kuona kuti vakanyoresa kuvhota here vachishandisa nharembozha dzavo. Munhu anokwanisa kufona *265# obva aisa number dzake dzechitupa ozoisa gore rekuzvarwa.

ZEC inoti panzvimbo dzose dzakavhurwa, muwadhi yega yega munenge muine nzvimbo imwechete inokwanisa kuti vanhu vanyorese kuvhota sezvo pasiri pose panzvimbo dzakavhurwa pari kunyoreswa.

Chirongwa chekutarisa kuti mazita akanyorwa here mugwaro remazita evanhu vakanyoresa kuvhota chatanga nhasi chichapera musiwa 29 mwedzi uno.

Nyaya ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG