Accessibility links

Breaking News

VeMapato Vofadzwa neKuumbwa kweMatare Achanzwa Nyaya dzeMhirizhonga


Vatongi vedare repamusoro
Vatongi vedare repamusoro

Vemapato ezvematongerwo enyika vanoti vanofara nekudomwa kwevatongi vematare achanzwa nyaya dzine chakuita nemhirizhonga. Aka ndekekutanga matare akadai achiumbwa nechinangwa chekuyedza kupedza mhirizhonga munyaya dzezvematongerwo enyika.

Mutauriri webato rinopikisa reNational People's Party, NPP, mudunhu reMashonaland Werst VaAdmire Chitsungo vanoti vanofara nekudomwa kwevatongi vemhoswa vachiti zvichaita kuti vanoda kuita zvemhirizhonga vatye.

Vanoona nezvesarudzo mubato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa muMashonaland West, VaKudakwashe Chigumo, vanotsigira VaChitsungo vachiti zvinofanirwa kusvika kumapurisa.

VaChigumo vanoti panofanirwa kuita hofisi yemapurisa inoferefeta nyaya dzemhirizhonga sezvo kuri iko kunofira nyaya dzakawanda dzemhirizhonga.

VaChitsungo vanoti zviri kuitwa zviri kuratidza kuti pane shanduko pamaitirwo matsva ari kuita hurumende munyaya dzesarudzo.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwebasa muZanu PF mudunhu reMashonaland West, VaSimbarashe Ziyambi vanoti zvakanakira kuti vose vanonyepera kuzhamba pasina zvavaitwa vachanyara sezvo pasina mhirizhonga ichaitwa.

Hurumende yakazivisa kuti vatongi vanoti Muzvare Jessie Kufa, VaFelix Mawadze vemuChinhoyi, VaTakudzwa Gwazemba kuKadoma, VaSam Chitumwa vekuKaroi, VaFerlix Chauromwe vekuChegutu naVaToindepi Zhou vekuKariba vachatonga nyaya dzemhirizhonga mudunhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG