Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa Voshora Mashoko eNhengo dzeParamende Dzinoti Vabviswe muGuta reHarare

Migwagwa mizhinji muHarare inonzi haichafambiki nevanotengesa zvinhu vazara pese pese
Migwagwa mizhinji muHarare inonzi haichafambiki nevanotengesa zvinhu vazara pese pese

Rimwe sangano revanotengesa mumigwagwa rinoti nhengo dzaro hadzisi kuzobvuma kumbunyikidzwa nevezvematongerwo enyika avo vanonzi vari kuda kuti vanotengesera mumigwagwa yemukati medhorobha reHarare vabviswe vachinzi vari kukanganisa mafambiro ezvinhu.

Vachipindura kukurudziro yedzimwe nhengo dzeparamende dzinonzi dzakati vanhu vanotengesera mumigwagwa vanofanirwa kubviswa, mukuru wesangano reNational Vendors Union Zimbabwe, VaSamuel Wadzayi, vanoti vezvematomngerwo enyika vari kukanganwa kuti ndivo vakonzeresa matambudziko ari kutarisana nevanhu zvaita kuti munhu wese atengese kuti ararame.

VaWadzayi vanoti hurumende inofanirwa kushanda nemakanzuru pamwe nevanotengesa kuti pawanikwe nzira dzekushanda pamwe zvakanaka, pasina kunetsana.

“Asi vakada kushandisa simba mukutibvisa, isu tichashandisawo simba kuramba kubva mumigwagwa. Ticharamba kuenda seshumba ine nzara, ndokana takasarwa senyoka yakatsamwa”, vanodaro VaWadzayi.

Mukupera kwesvondo dzimwe nhengo dzeparamende dzakakurudzira kuti patorwe matanho panyaya yevanotengesa zvinhu ava avo vanonzi vari kutengesera kana nepamavheranda ezvitoro zviri kubhadhara mitero, asi ivo vasina chavari kubhadhara.

Migwagwa mizhinji yekumuguta reHarare inonzi haichafambika nekuda kwevanotengesa zvinhu ava, avo vanonzi vave kutengeserawo kana nepakati pemigwagwa chaipo.

Vazhinji vavo vanonziwo havachakoshesi varidzi vezvitoro pavanotengesera, izvo zvinonzi zvava kukonzera kunetsana pakati pevanotengesa nevaridzi vezvitoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG