Nhumwa mbiri dzehurumende yeAmerica dziri kushanya muZimbabwe dziri kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iremekedze kodzero dzevanhu, senzira yekuti hukama hwayo neAmerica hugadzirisike.
Mutevedzeri wemunyori mubazi rezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika vachiona nezveAfrica, Amai Shannon Smith, pamwe nemutevedzeri wemunyori muhofisi yezvehutongi hwejechetere nekodzero dzevanhu, VaSteven Feldstein, vari kushanya muZimbabwe kuti vazvinzwire voga zviri kuitika munyaya dzezvekodzero dzevanhu nehutongi hwejechetere kubva pakatanga nyika kushandisa bumbiro remitemo idzva muna 2013.
Vaviri ava vari kusangana nevakuru vakuru muhurumende, masangano akazvimirira, uye mapato anopikisa muZimbabwe.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mangongera, vanoti nguva yashanya nhumwa dzeAmerica idzi inguva yakaipira Zimbabwe sezvo paine nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu dziri kutaurwa nezvadzo patarisanwa nesarudzo dze by-election.
VaMangongera vanoti imwe nyaya iri kukurudzirwa nenhumwa idzi ndeyemurwiri wekodzero dzevanhu akatsakatika, VaItai Dzamara, vachiti hurumende ngaiite zvose zvainogona pakuvadzora kumhuri yavo.
Izvi zvinonzi zvinogonawo kukanganisa hurongwa hwekuti America ikasike kudyidzana zvizere neZimbabwe.
Asi nhengo yeZanu PF vachiongororawo zvematongerwo enyika, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti hurumende yeZimbabwe haisi iyo yakakumbira nhumwa idzi kuti dzinge dziri munyika, asi kuti ihurumende yeAmerica yakatokumbira vaviri ava vashanyire Zimbabwe.
VaChirumhanzu vanoti zviri kuAmerica kufuka kana kuwarira, kudyidzana neZimbabwe kana kurega, sezvo Zimbabwe iine dzimwe shamwari.
VaChirumhanzu vanoti America haisi nyika ingadzidzisa Zimbabwe nezvekodzero dzevanhu, sezvo iyo ichizivikanwa nekupindira munyaya dzematongerwo edzimwe nyika, zvikuru dzisina kusimba.
Nhumwa idzi dziri kutarisirwa kupeta rwendo rwadzo kuZimbabwe mukupera kwesvondo.