Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Voshoropodza Kudirwa kweMari neHurumende kuUniversity yaVaMugabe


.
.

Apo hurumende iri kunetsekana kuwana mari yekubhadhara vashandi pamwe nekuita mamwe mabasa, nemusi weChitatu dare remakurukota rakaita chisungo chekupa mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe bhiriyoni rimwe chete remadhora, inove mari yekubatsira vaviri ava kuvaka chikoro chepamusorosoro cheRobert Mugabe University kuMazowe mudunhu reMashonaland Central.

Gurukota rezvedzidzo yepamusoro, Muzvinafundo Jonathan Moyo, vakati hurongwa hwekuvaka Robert Gabriel Mugabe University hwange hwagara huripo nechakare asi mudzimai waVaMugabe, Amai Grace Mugabe, ndivo vave kuvamhanyisa kuti chikoro ichi chichivakwa.

Vakati zvichitevera basa guru rakaitwa naVaMugabe munyaya dzedzidzo, dare remakurukota rakaona zvakakodzera kuti hurumende ivabatsire kuvaka chikoro ichi uye vachakurudzira zvimwe zvikoro zvepamusoro nemakambani kuti vabatsire mukuvakwa kweuniversity iyi.

University of Zimbabwe ichabatsirawo kuvakwa kweRobert Mugabe University, iyo ichange ichiita zveScience, Technology, Engineering neMathematics kana kuti STEM, uyewo zvidzidzo zvayo zvichatangira pachinhano cheMasters Degree.

Patove namakomiti masere akatoumbwa kutungamira mabasa ekuvakwa kwechikoro chepamusorosoro ichi.

Mutevedzeri wegurukota rezvedzidzo yepamusoro, Dr Godfrey Gandawa vanoti Robert Mugabe University ichange yakakosha chose uyewo ichabatsira zvikuru mukudzidzisa vanhu vachabatsira kupedza matambudziko akatarisa nenyika.

Asi mutungamiriri webato rinopikisa reDemocratic Party, Dr Wurayai Zembe, vashora dare remakurukota nedanho rekutsigira kuvakwa kweyunivhesiti yaVaMugabe iyi, vachiti hurumende inofanira kutsigira mayunivhesiti ayo kwete evamwe vanhu vari kukonzera kutambura kweveruzhinji munyika.

Munyori mukuru musangano revadzidzi vezvikoro zvepamusoro, reZimbabwe National Students Union, VaMakomborero Haruzivishe, vaudzawo Studio 7 kuti kuvakwa kweuniversity kuMazowe naVaMugabe nemhuri yavo hakuneyi nekuti veruzhinji vawane dzidzo yepamusoro asi kuda kuvandudza bhizimisi ravo mudunhu iri.

Vanotiwo kana chikoro chakavakwa naAmai Mugabe kuMazowe chinonzi ndechenherera chinodhura kudarika zvikoro zvakawanda munyika.

Vana vano dzidza pachikoro ichi vano bhadhara mari inodarika madhora zviuru zviviri pakotoro iyo inove mari yakawanda kudarika inobhadharwa nevadzidzidzi vemuzvikoro zvepamusoro zvizhinji munyika.

Mutevedzeri wasachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaGeorge Makoni, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa nemhuri yekwaMugabe ndezvekuramba ichivandudza bhizimisi rayo kwete kubatsira veruzhinji.

VaHaruzivishe vanoti havasi kushamiswa nekuti VaMugabe nemhuri yavo vave kunovaka university kuMazowe vachiti vanofunga kuti ndicho chikonzero Amai Mugabe vari kutandanisa vanhu mumapurazi ari mudunhu iri akaita seArnold neManzou.

Migwagwa yakawanda mumadhorobha yakatumidzwa zita raVaMugabe uye VaMugabe ndivo mukuru wemauniversity ose ehurumende munyika.

Vechidiki vemubato raVaMugabe reZanu PF vari kudawo kuti nhandare yendege yeHarare International Airport ishandurwe zita kuti inzi Robert Mugabe International Airport.

Nyaya ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG