Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vakuru-Vakuru muMDC-T Vanoramba Mashoko eKuti Vari Kuronga Kubuda muBato Iri


Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai

Mubato reMDC-T munonzi mave nezinyeke-nyeke zvekare zvichitevera mhirizhonga yakaitika nemusi weSvondo pamahofisi ebato iri muguta reBulawayo.

Pane mashoko anoti vamwe vakuru-vakuru vasiri kufara nemubatanidzwa wakapindwa nebato ravo nemamwe mapato anopikisa vave kufunga kubuda mubato.

Vanoziva zviri kuitika vanoti vakuru vakuru ava, avo vanosanganisira mumwe wevatevedzeri vebato iri Muzvare Thokozani Khupe, sachigaro webato iri VaLovemore Moyo, pamwe nemurongi wemabasa VaAbednico Bhebe, vakatora chisungo chekushora mubatanidzwa weMDC Alliance wakapindwa nebato ravo reMDC-T nemamwe mapato anopikisa, uyo wakaparurwa zviri pamutemo nemusi weMugovera muHarare.

Vatatu ava nevamwe vatsigiri vavo vasiri kudawo zvemubatanidzwa, vaive vasipo pachiitiko ichi uye vakaita musangano neSvondo pamahofisi ebato reMDC-T muBulawayo.

Musangano uyu wakambovhiringwa nemhirizhonga apo vamwe vanonzi ndevamwe vechidiki vebato reMDC-T vakasvika pamusangano uyu vachibvunzurudza vaivepo kuti waive weyi.

Studio 7 yaedza kunzwa kubva kuna Muzvare Khupe asi nharembozha yavo yange isingadavirwi.

Asi vanoziva zviri kuitika ava, avo vasina kuda kudomwa nemazita kana kubuda pamhepo, vanoti chimwe chezvisungo zvakaitwa pamusangano uyu ndechekuti vasingafare nemubatanidzwa uyu vabude mubato reMDC T vavambe ravo rinotungamirwa naMuzvare Khupe, VaMoyo naVaBhebe vari vatevedzeri vavo.

Muzvare Khupe vakagara vabuda pachena kuti havafarire mubatanidzwa weMDC T nemamwe mapato kunyanya mumatunhu eMatabeleland umo vanoti bato iri rine vatsigiri vakakwana.

Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC T Muzvare Thabitha Khumalo vati vanoziva kuti kune vamwe vari muMDC T vasiri kuwirirana nenyaya yemushandirapamwe nemamwe mapato asi vati zvakaitwa nebato ravo izvi ndizvo zvakabvumiranwa nevakawanda mubato senzira ichaburitsa veruzhinji mumatambudziko avakatarisana nawo.

Muzvare Khumalo vati havasati vave neruzivo rwakakwana nezvakaitika pamusangano wakaitwa nevamwe vavo nezuro muBulawayo, asi vati bato ravo richaita ongororo munguva pfupi inotevera.

Asi sachigaro vebato iri VaLovemore Moyo varamba mashoko ekuti vari kuronga kubuda muMDC-T vachinoumba bato ravo vari vatatu.

VaMoyo vaudza Studio 7 kuti hapana asingazivi kuti mubato ravo hamuna kuwirirana pamusoro penyaya yekuumba mubatanidzwa.

Vati musangano wavakaita nezuro waive wekuzeya nezvemubatanidzwa uyu, zvigaro zvinonzi zvakapiwa kubato reMDC inotungamirirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube, uye nzira yekuenda mberi kuti vagadzirise nyaya iyi.

VaMoyo vati vanotarisira kuti sebato, vachagadzirisa matambudziko aya nekukasika.

Zvichakadaro vebato reZAPU vanoti zvakanaka chose kuti vemapato anopikisa vabatane asi ivo havawone mubatanidzwa weMDC Alliance uri mubatanidzwa chaiwo wemapato anopikisa.

Mutauriri webato iri vaIphithule Maphosa vaudza Studio 7 kuti bato ravo rakazvipira kuramba richisanda nemamwe mapato anopikisa kuita mushandirapamwe.

Vanhu vakawanda vanoti mapato anopikisa angakwanisa kukunda bato riri kutonga reZanu PF chete kana akaita mubatanidzwa unosanganisa mapato ose kunyanya ayo anofungidzirwa kuti ane rutsigiro rwakati kureyi akadai seZAPU neNational People’s Party inotungamirwa naAmai Joice Mujuru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG