Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yokurudzira Nhengo Dzayo Kunoviga VaTsvangirai neChipiri


Amai Oppah Muchinguri Kashiri Vari kwaMutare
Amai Oppah Muchinguri Kashiri Vari kwaMutare

Sachigaro webato reZanu PF, Amai Oppah Zvipange Muchinguri-Kashiri pamwechete nasachigaro webato iri mudunhu reManicaland VaMike Madiro, nhasi vakurudzira nhengo dzebato ravo reZanu PF kuti dziende kunochema mutungamiriri weMDC VaMorgan Tsvangirai pavacharadzikwa nemusi weChipiri kumusha kwavo kwaHumanikwa, kuBuhera

Amai Muchinguri-Kashiri vataura mashoko aya pamusangano webato ravo weProvincial Coordinating Committee, PCC, wekuvagamuchira pakusimudzirwa kwavo kuve sachigaro wezanu PF munyika yose.

Vaudza nhengo dzavo kuti hapana chakaipa pakuenda kunochema uye kubata maoko pachavigwa VaTsvangirai sezvo ari mwanakomana weZimbabwe, wekudunhu reManicaland uye vakashanda vose muhurumende yemubatanidzwa. Amai Muchunguri-Kashiri vashora pfungwa dzekuti kunochema VaTsvangirai kana uri werimwe bato unenge watengesa.

“Takaenda isusu tichinobata maoko kuMDC, asi vamwe vakabva vati aaah vaakutengesa ndakaona magroup group, ukaona wakadaro handi pfungwa dzakanakaba.Dzigeze dziite right, nokuti tingatadza kuwirirana as a party asi tiri maZimbabweans, ndiri kukukurudzirai kuti muende in your numbers seZanu PF, ainge ari mumwe wedu mugovernment endai munobata maoko makasununguka.”

Mashoko aAmai Muchinguri-Kashiri atsinhirwa nasachigaro weZanu PF mudunhu reManicaland VaMike Madiro. VaMadiro vati kunochema VaTsvangirai neimwe nzira kunobatsira kuti vakwanise kuwana rutsigiro pasarudzo dzichaitwa mwedzi mishoma inotevera.

VaMadiro vati vatsigiri veZanu PF havafanirwi kuenda kunochema mufi vakapfeka mbatya dzemusangano wavo sezvo zvichizokwanisa kuitisa mhirizhonga sezvakamboitika parufu rwemudzimai vaVaTsvangirai Amai Susan Tsvangirai makore akati kuti apfuura, apo vakashayika mutsaona yemotokari.

VaGift Kagwida, vaoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF kuno kuManicaland. VaKagwida vakurudzira nhengo dzebato ravo reZanu PF kuti dzisarege kuenda kunovigwa VaTsvangirai senzira yekunotapa hurongwa hwebato iri nemusi weChipiri.

“Mashoko atiri kutambira isu ndeekuti burial yaTsvangirai is on Tuesday saka isisu seZanu PF tinofanirwa kuenda kuti tinoita neutralise the opposition pane zvainenge ichiita ikoko kurufu kwacho.”

Asi sachigaro weMDC-T kuManicaland VaDavid Chimhini vachitaura vari parunhare vati kuda kutsvaga mavhoti parufu hazvisi zvinhu zvinotarisirwa sezvo VaTsvangirai vaive munhu ane chiremera nekudero vanoda kupihwawo ruremekedzo pakuvigwa kwavo. VaChimhini vati ino inguva yekubatana kwete kupatsanurana nenyaya yezvematongerwo enyika kana kuda kutsvaga rutsigiro nepanhamo.

Mune imwewo nyaya, Amai Muchinguri-Kashiri vayambira nhengo dzebato ravo kuti vasiyane nemhirizhonga apo nyika yatarisana nesarudzo. Amai Muchinguri-Kashiri vati mhirizhonga inokanganisa bato ravo sezvo ichitanda vangade kuritsigira uye zvichishoresa. Vati ngozi yevaurayiwa haiuyi kuZanu PF.

“Isusu Zanu PF must lead by example hatidi violence, hatidi, youths hatidii! Vanamai ngatidzidziseyi vana wedu zvakanaka, inini ndakambozvitaura kuti ukauraya munhu ngozi haiuyi kuZanu PF, ukaita violence uri kudzingira wanhu kubva kuZanu PF, ngatibataneyi hatidi violence please.”

Pamusangano weZanu PF uyu pataurwawo nyaya yekuunganidza mari kuti vakwanise kuvaka mahofisi emuzinda wavo, uye nekuita mhemberero dzekusimudzirwa kwaAmai Muchinguri-Kashiri mubato. Nhengo dzebato iri zvakare dzayambira vechidiki kuti varemekedze hutungamiriri huripo.

Nyaya ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG