Accessibility links

Breaking News

Tajamuka/Sesijikile Yokurudzira Hurumende Kugadzirisa Matambudziko muNyika


Nhengo dzesangano reTajamuka-Sesijikile dzichiratidzira munguva yehutongo hwaVaRobert Mugabe.
Nhengo dzesangano reTajamuka-Sesijikile dzichiratidzira munguva yehutongo hwaVaRobert Mugabe.

Chikwata cheTajamuka-Sesijikile chiri kurudzira hurumende kuti igadzirise matambudziko akatarisana nenyika vachiti zvinhu zvawedzera kuipa kubva zvatora hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa masimba kubva kune vaimbove mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe.

Vachitaura nevatori venhau muHarare neMuvhuro, vatungamiri vechikwata ichi vati veruzhinji vari kunonga svosve nemuromo munyika nekuda kwenhamo.

Munyori weTajamuka-Sesijikile VaGilbert Bwende vati kunyangwe zvazvo pakatorerwa VaMugabe masimba vanhu vaiudzwa kuti chinangwa chaive chekugadzirisa zvinhu, vati hapana chavaona chagadziriswa huye hupenyu huikuramba huchivava.

Asi izvi zvatsoropodzwa nemumwe wevechidiki mubato reZanu PF VaTafadzwa Mugwadi vachiti pakabviswa VaMugabe zvaive zvisinganzi zvinhu zvichanaka ipapo ipapo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMugwadi vati hurumende iri kurwisa zvinhu zvakadai sehuori nezvimwe zvisungo zvakarwirwa kuhondo yerusununguko kusanganisira kukoshesa nyaya dzebudiriro.

Tajamuka-Sesijikile inoti kukwira kwemitengo yezvinhu, kushaya simba kwemari yemaRTGS dollar, kunetsa kwemafuta edzimotokari pamwe nekusakwira kwemari yemihoro ndoemamwe matambudziko akatarisanwa nawo nevana veZimbabwe.

VaBwende vatiwo havasi kufara nekuti hurumende iri kutaura zvekuripa varimi vachena vakatorerwa mapurazi vasati vagadzirisa zvinobata hupenyu hweve ruzhinji zvakadai sekuwanisa zvipatara zvikwanisiro.

Asi VaMugwadi vatiwo sangano reTajamuka-Sesijikile hari fanirwi kutaura nyaya dzevhu vachivapomera mhosva yekushoropodza nyaya yekupihwa kweivhu kuvatema.

Asiwo vati kubato reZanu PF chichemo chakatosvika kumukuru wenyika kuti dai zvaigona zvekupa mari kuvarimi ava zvimbomirwa kuchigadziriswa mamwe matambudziko akatarisana nenyika pamwe nekuongorora kuti zvakakodzera here kuti varipwe sezviri pamutemo.

Tajamuka-Sesijikile yatiwo nhaurirano dzisineyi nezvemapato ematongerwo enyika dzakakoshawo zvakare munyika.

Vachitaura pamusangano mumwewo, vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa muTajamuka-Sesijikile, VaTineyi Munetsi vatiwo kana hurumende yakasarudzwa nevanhu inofanirwawo kuteerera zvichemo zveveruzhinji yozvigadzirisa.

VaMunetsi vati veruzhinji vave kugara vakashungurudzika mupfungwa nekuda hwenhamo.

Tajamuka-Sesijikile yati kana hurumende ikasagadzirisa matambudziko vachatora matanho ekuratidza kunyunyuta kwavo munguva shoma inotevera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG