Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu Mbudzi 09, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu vakawanda pasi rose vomuka vachishamisika zvikuru nekukunda kwaVaDonald Trump musarudzo dzemuAmerica.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe VaHarry Thomas vanoti kusarudzwa kwaVaTrump hakuna zvakunochinja pakudyidzana kweZimbabwe neAmerica.

VaTrevor Saruwaka vokwira kumatare vachikwikwidza danho remutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda rekuvarambidza kupfeka bhachi ravo mudare rinonzi rine mavara emureza wenyika.

Bato reZanu-PF roita musangano wePolitburo kuzeya nezvekukundwa kwavo musarudzo dzekuNorton uye gadziriro yemusangano wepagore webato iri kuMasvingo.

Muchirongwa chedu che LiveTalk Diaspora Forum na 8:00pm nhasi tiri kutarisa nezvesarudzo dzemu America, idzo dzakakundwa naVaDonald Trump vachirova Amai Hillary Clinton.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro yeNhau, Chitatu Mbudzi 09, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG