Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu 12 Gumiguru, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Nyaya yekushomeka kwemari yoramba ichinetsa munyika mutauriri wedare reparamende achiti hurumende haisi kutaura nezwi rimwe uye achitiwo verudzi rwechiChina neIndia vanofanira kuunza mari kumabhanga.

VaCyril Ndebele voradzikwa kuDenver Farm kuUmguza.

MDC-T yoshora mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko nemamwe makurukota nekusauya kudare reparamende.

African Union yozeya nyaya yekuroodzwa kwevana vasati vasvika zera kuZambia.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvokoka vanorwira kodzero dzevanhu VaEvan Mawarire, VaStern Zvorwadza, Muzvare Linda Masarira naDr Patson Dzamara kuBritain.

Nyaya yekushomeka kwemvura yotemesa kanzuru yeBulawayo musoro.

Muchirongwa chedu cheLivetalk-Diaspora Forum na8;00 pm tiri kutarisa nyaya yemagwaro ekushanda muSouth Africa yeZimbabwea Special Dispensation Permit. Ko chii chichaitika kana asvika kumagumo ?

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 Kilohertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.

Misoro yeNhau, Chitatu Gumiguru 12, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG