Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu Gumiguru 07, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe voita musangano nemutungamiri wehurumende yeMalaysia VaNajib Razak kuyedza kumutsiridza kudyidzana sezvo Zimbabwe yoomerwa nezvinhu.

Magweta anoti akagadzirira kudzokera kumatare kunopikisa kuparurwa kwemari yemabond notes.

Sangano reHeal Zimbabwe Trust rinoti nyaya yekushaya mari kumabhanga inogona kupa vanhu kuti varatidzire munyika

Vaimbova mutauriri wedare reparamende VaCyril Ndebele vanoshaya.

Bato reMDC-T rinoti rave kutumira vatevedzeri vemutungamiri webato ravo vatatu kunotsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dza2018.

Muchirongwa chedu cheLivetalk-na8; 00 pm tiri kutarisa nyaya nyaya misangano yeIMF neWorld Bank iri kuitwa muAmerica uye kushomeka kwemari munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.

Misoro yeNhau, Chishanu Gumiguru 07, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG