Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China Gunyana 29, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vanoti veSADC, African Union neUnited Nations vanofanira kupindira munyaya yekupambwa, kuitwa kafiramberi uye kushungurudzwa kwevanhu munyika zvinhu zvisati zvasvika pakaipisisa.

Murwiri wekodzero dzevanhu Dr. Patson Dzamara vanoti vari kufara nekuwana mhinduro kubva kuWorld Bank yekuti sangano iri harisi kuzopinda munhaurirano neZimbabwe pamusoro pechikumbiro chayo chemari.

Vanhu vanorarama nehurema mudunhu reMasvingo voronga kuratidzira mangwana vachi nyunyuta kuhurumende iyo vari kupomera mhosva yekuondonga hupfumi hwenyika izvo zvaita kuti hupenyu hwavo huome kupfuura vamwe vanorarama vasina hurema.

Muchirongwa che LiveTalk Women’s RoundTable nhasi na 8:00pm tiri kutarisa nemabatirwo ari kuitwa vanhukadzi mumajeri emunyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 kana 6065 Kilohertz pa ShortWave.

Musakanganwa kutifarira paFaceBook peji redu nekudzvinya pakanzi Like.

Misoro yeNhau, China, Gunyana 29, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG