Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri Gunyana 06, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Nhengo dzeMDC-T nhatu dzinobatwa nemhosva yekuponda mupurisa Inspector Petros Mutedza makore mashanu apfuura kuGlenview

Harare City Council yowana mari yekuvandudza makirinika ayo kuita zvipatara zvematunhu kana kuti district hospitals panguva iyo hurumende iri kutarikawo kuwana mari yekutenga mishonga muzvipatara.

VeCatholic Bishops Conference of Zimbabwe vanoti vari kunetsekana nekumira kwakaita zvinhu munyika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvofambira dhongi rakaora apo zvaenda kunotsvaga mabasa kumuzinda weSudan uri muHarare.

Mapurisa otendera PDP kuita musangano wayo kuBulawayo.

Vamwe vechidiki vange vari pachirongwa cheMandela Washington Fellowship voita hurukuro yebudiriro mumatunhu nekodzero dzevanhu pamuzinda weAmerica nhasi.

Sangano reRural Teachers Union of Zimbabwe rinoti vana vashoma ndivo vabudirira kuenda kuzvikoro zvavhurwa nhasi.

Muchirongwa cheLiveTalk-The Connection na8.00 pm tiri kutarisa nyaya yekuvhurwa kwezvikoro nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 KiloHertzs.

Misoro yeNhau, Chipiri Gunyana 06, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG