Vamwe vatsigiri veMDC-T vanga vari parufu kuShamva, Mashonaland Central vanorohwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.
Vanhu vanoudza komisheni yekodzero dzevanhu yeHuman Rights Commission, kuti mapurisa nemauto ndivo vari pamberi kutyora kodzero dzevanhu munyika.
Vamwe vanhu voronga kuratidzira pamiganhu yenyika vachinyunyuta nechirongwa chehurumende chekurambidza zvimwe zvinhu zviri kutengwa kunze kwenyika kupinda munyika.
Tichakupai hurukuro nezvizvarwa zveZimbabwe zvakasangana nemutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama nezuro.
Mumakwikwi emaOlympics Zimbabwe Mighty Warriors yakakundwa neGermany mumutambo wayo wekutanga weGroup F kuBrazil.
Muchirongwa cheWomens Round Table na8.30 pm tiri kutarisa nyaya yechirongwa cheMandela Washington Fellowship uye kukwira kwehuwandu hwevana vari kubatwa chibharo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 KiloHertz pa Short Wave.