Mutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai voendeswa kudare repamusoro nekudoma kwavakaita vatevedzeri vavo vaviri.
Zanu-PF neRDZ dzopinda musarudzo dzekutsvaga mumiriri weMazowe West.
Hurumende yozivisa mazuva ainofungira kuti ichatambirisa vashandi vayo mihoro yaChikunguru.
Mumiriri wemaRepublicans VaDonald Trump votarisirwa kutaura manheru ano pamusangano wemaRepublicans weConvention kuCleveland, Ohio.
Hurumende yokurudzirwa kugadzirisa hupfumi kuti vanhu vasagume voenda muhunhapwa.
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaChris Mushowe vanoti hurumende yave kumbomira kupa vanhu marezinesi ekutepfenyura kusvika zvinhu zvagadzikana munyaya dzezvehupfumi.
Muchirongwa cheWomen's Round Table na8.30 pm tiri kutarisa nyaya yekuratidzira iri kuitika munyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz pa Short Wave.