Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu Chikunguru 06, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Maguta akawanda munyika atambira kurudziro yekuti vanhu vasaende kubasa vachinyuta nemamiriro akaita zvinhu munyika. Asi zvinonzi vanhu vakawanda vasungwa nemapurisa uye zvimwe zvinhu zvikapiswa.

Gurukota rinoona nezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko VaSupa Mandiwanzira voramba kuti hurumende ndiyo yambodzima madandemutande akaita sewhatsapp mangwanani.

Mutungamiri webato reMDC-T VaMorgan Tsvangirai vanoti zvakakosha kuti munyika muitwe nhaurirano sezvo zvinhu zvaenda kumawere.

VaAcie Lumumba vopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekuti vakatuka mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Muchirongwa cheLivetalk na8.30 pm tiri kutarisa nyaya yekuratidzira kwaitwa munyika yose nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kustudio7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz pa Short Wave.

Misoro yeNhau, Chitatu Chikunguru 06, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG