Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu 22 Chikumi, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Makurukota ehurumende pamwe nagavhuna weRBZ vosangana nemasangano anomirira vashandi vehurumende pamusoro penyaya dzemihoro.

Amai Hillary Clinton vebato reDemocrats voshora wavari kukwikwidzana navo musarudzo dzekutsvaga mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump vebato reRepublican vachiti vanoda kungodhinda mari zvakapa kuti Zimbabwe neGermany dziyende kumawere munyaya dzezvehupfumi.

Mhirizhonga inonzi iri kuenderera mberi kuPretoria muSouth Africa zvizvarwa zveZimbabwe zvichibirwa nekupwanyirwa zvitoro.

Sangano reNational Transitional Justice rinoti vanhu vanofanira kuramba vachipa pfungwa dzavo kunyangwe bhiri rekupodza maronda nekuregererena rakambonzi rimire kuzeyiwa.

Muchirongwa cheLivetalk na8.30 pm tiri kutarisa nezvekushomeka kwemari munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 kilohertz pa Short Wave.

Misoro yeNhau, Chitatu Chikumi 22, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG