Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China Chivabvu 12, 2016


Misoro yeNhau

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kuUganda uko kuri kutora mhiko mutungamiri wenyika iyi VaYoweri Museveni.

Vatungamiri vemutambi wetsiva Charles Manyuchi veOriental Boxing Promotions vari kuda kuti mutambi uyu adzvirire bhande rake reWorld Boxing Council resirihva muZimbabwe.

Bato reMDC T roronga kuendesa bhanga guru renyika reRBZ kumatare edzimhosva nenyaya yema bond notes.

Nhasi tine hurukuro nagavhuna weRBZ Dr John Mangudya, nezvenyaya yemabond notes.

WFP inoti Zimbabwe yakatenga chibage chinosvika mazana matatu nemakumi mashanu ezviuru zvechibage kuyedza kurerutsa dambudziko rechikafu.

Muchirongwa cheWomen’s Roundtable, tiri kutarisa nyaya yemadzimai arikubatwa senhapwa munyika dzakaita seKuwait. Tichatarisawo mashoko eAmerica ekuti iri kubatsira kurwisa dambudziko iri.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.

Misoro yeNhau, china Chivabvu 12, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG