Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri Chivabvu 10, 2016


Misoro yeNhau

MDC-T inosangana muHarare ichizeya hurongwa hwehurumende hwekuda kuunza ma bond notes.

Vemabhizinesi voisa pfungwa dzavo pahurongwa hwema bond notes anetsa munyika…

Vamwe vorarama nekutengesa zvihuta pamwe nekuzvidya….

Mazita evanhu vari kubatwa nemambure ePanama Papers oburitswa neStudio7…

Mubvunzo wedu wanhasi muchirongwa Pindai Mudariro: Ko imi vechidiki munoona sei hurongwa hweReserve Bank of Zimbabwe hwekuda kushandisa mari yema bond notes?

Muchirongwa cheLiveTalk, tiri kutarisa kubuda kuri kuita vechidiki munyika vachinoshandira kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.

Misoro yeNhau, Chipiri Chivabvu 10, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG