Sangano rinoongirora mamiriro echikafu munyika reFamine Early Warning Systems Network kana kuti Fewsnet rinoti nzara yaramba yakapfunya chisero munyika zvekuti vanhu vanofanira kuramba vachibatsirwa kunyangwe iri nguva yekuti vange vachidya zvemuminda.
Zanu-PF yoita misangano yePolitburo, Central Committee uye nevakarwa hondo kuyedza kugadzirisa zvinhu zvaita manyama amire nerongo.
Vemabhizimisi nevanhuwo zvavo vonetseka nekushaya mari mumabhanga.
Zimplats Holdings yopomerwa mhosva yekuburitsa mari munyika zvisiriizvo mumapepa anetsa pasi rose ari kuzivikanwa nekuti Panama Papers.
Muchirongwa cheLiveTalk-The Youth Connection na 8:30pm tiri kutarisa nyaya yevechidiki vari kutadza kubhadhara mari dzavakakwereteswa pasi pehomwe yeYouth Fund.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app nhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.