Gweta revatori venhau veZimpapers vakasungirwa kuburitsa nyaya inopomera mumwe mukuru mukuru wemapurisa kuva nechekuita nekuurayiwa nemuchetura kwenzou kuHwange rinoti vasungwa ava vari kumanikidzwa kuburitsa zita remukuru wemapurisa uyu….
Zimbabwe yonetsekana mukuwana kwayo mari inobva kumitero sezvo makambani ari kuomerwa…
Vari pamudyandigere vari kunze kwenyika votaura pamusoro pechirongwa chehurumende chekunyoresa vose vari pamudyandigere vari kugara kunze kwenyika….
Muchirongwa cheLivetalk-The Connection na 8:30 pm tiri kutarisa kushaikwa kwemabasa nevechidiki, uye zvavari kuita kuti vararame.
Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.