Accessibility links

Breaking News

Dutumupengo, Mafashamu, Zvoparadza Dzimba kuCabatsha kuBulawayo


Mvura yaive nemhepo yakasimba yakanaya neMugovera yakaparadza dzimba muCabatsha kuBulawayo
Mvura yaive nemhepo yakasimba yakanaya neMugovera yakaparadza dzimba muCabatsha kuBulawayo

Mhuri idzi dzinonzi dzave kutyirawo kuti dzimwe dzimba dzavo dzinogona kuwondomoka nekuda kwemamiriro adzaita mushure memvura iyi.

Mhuri dzinodarika zviuru zviviri dzinogara papurazi reCabatsha kunze kweguta reBulawayo dzinonzi dzave kugara pamwe nekurara pamhene zvichitevera kuparadzwa kwedzimba dzadzo nedutu nemafashamu emvura neMugovera wapfuura.

Mhuri idzi dzinonzi dzave kutyirawo kuti dzimwe dzimba dzavo dzinogona kuwondomoka nekuda kwemamiriro adzaita mushure memvura iyi.

Sachigaro werimwe remasangano anomirira vagari reBulawayo Progressive Residents Association, VaEdias Shumba, vanoti sesangano vanonzwira vagari ava urombo zvikuru, sezvo vachikwanisa kuzobatwa nezvirwere zvinokonzerwa nekugara pamwe nekurara panze uye mvura yakasviba.

Vanoti sesangano vari kuedzawo kuunganidza rubatsiro rwekupa mhuri idzi, asi vanoti hurumende inofanirwa kupindira kuti ibatsire.

Hurukuro naVaEdias Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG