Accessibility links

Breaking News

Muzvinafundo Sam Moyo Vanoshaya Mutsaona yeMumugwagwa kuNew Dehli, India


Sam Moyo
Sam Moyo

Muzvinafundo Sam Moyo avo vaitungamira sangano reAfrican Institute for Agrarian Studies uye vaimbova chipangamazano chehurumende munyaya dzezvekurima vakashaya munjodzi yemumugwagwa kuNew Dehli, India nemusi weMugovera uko vainge vaenda kumusangano.

Mutumbi waVaMoyo uri kutarisirwa kuuya kuZimbabwe nemusi weChitatu uye vari kutarisirwa kuradzikwa nemusi weMugovera.

Muzvinafundo Moyo vakamboshanda paUniversity of Zimbabwe uye vakambova mukuru wesangano reSouthern African Regional Institute for Policy Studies (SAPES).

Vakanyorawo mabhuku anosanganisa rinonzi 'Land and Agrarian Reform in Zimbabwe: Beyond White Settler Capitalism.'

Vanotungamira sangano reSAPES Trust Dr. Ibbo Mandaza, avo vakashanda kwenguva yakareba namuzvinafundo Moyo, vanoti nyika yarasikirwa negamba chairo.

Muzvinafundo Moyo vakadzidza kuSierra Leone, Canada nekuBritain uye vasiya vana vashanu vasikana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG