Rimwe remasangano evarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti rarambidzwa nemapurisa kuratidzira kwaranga rakaronga nemusi weChina masikati.
Kuratidzira uku kwanga kuri kwekucherechedza zuva rekodzero dzevashandi dzekuratidzira, reThe Global Day of Action, iro rinocherechedzwawo pasi rose.
Zuva iri rinocherechedzwa nemasangano makuru akaita seEducation International, International Trade Union Conference pamwe nesangano reInternational Labour Organisation.
Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti sangano ravo ranga rakaronga kufora richicherechedza zuva iri kubva nenguva dza 12 masikati kusvika na 2 masikati, richinosvitsa gwaro renyunyuto kumahofisi egurukota rezvevashandi nemabasa, Amai Priscah Mupfumira.
Asi vanoti vashamisika vonzwa mapurisa ovadaidza achivaudza kuti havakwanise kuenderera mberi nekuratidzira uku, kunyange hazvo vakanga vazivisa mapurisa hurongwa hwavo hwekuratidzira.
VaMajongwe vanoti sangano ravo richanyorera kuhurumende pamwe nemasangano evashandi makuru ose richiratidza kutsutsumwa kwaro nedanho ratorwa nemapurisa iri.
Ukuwo, sangano reZimbabwe Teachers Association rinoti richacherechedza zuva reGlobal Day of Action iri nemusi weChishanu sezvo riine humwe hurongwa nemusi weChina.
Mukuru weZimta, VaSifiso Ndlovu, vanoti vachacherechedza zuva iri murunyararo.
Studio 7 yakundikana kubata vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaGideon Shoko, kuti tinzwewo kana sangano ravo riine zvarakarongawo pazuva iri.
Tatadzawo zvakare kubata mutauriri wemapurisa, Chief Superintendent Paul Nyathi, kuti tinzwe kuti seyi varambidza PTUZ kuratidzira sezvo nharembozha yavo yanga isingadairwi.
Nyanzvi munyaya dzemitemo yenyika dzinoti mapurisa haana masimba ekurambidza kuratidzira, asi anogara achiita izvi nguva dzose sezvo asingaremekedzi mitemo yenyika.