Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Pastors' Fellowship Yombosendeka Munamato weKunamatira VaDzamara


VaItai Dzamara vave nemwedzi mitatu vapambwa
VaItai Dzamara vave nemwedzi mitatu vapambwa

Vari kutungamira hurongwa hwekunamatira murwiri wekodzero dzevanhu akatsakatika, VaItai Dzamara, pamwe nematambudziko akatarisana nenyika, vanoti vambosendeka parutivi hurongwa hwemunamato wavanga varongwa kuita nemusi weSvondo kuZimbabwe Grounds, mumusha weHighfield muHarare.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Pastors’ Fellowship, iro riri kutungamira hurongwa hwemunamato uhwu, Reverend Watson Furayi, vanoti vatora danho iri nekuda hwemashoko avaudzwa nemapurisa ekuSoutherton ekuti bato reMDC T rakanga ravanyorerawo richiti rine hurongwa hwakafanana nehwuri kuda kuitwa nevafundisi uhwu.

Reverend Furayi vanoti vachagara pasi neMuvhuro unouya kuti varonge zuva idzva ravangaite munamato uyu, uye vachangoita semarongero avo ekukoka vemapato ezvematongerwo ose emunyika.

Vanoti hurongwa hwavo uhwu hwanga hwakanangana nekunamatira matambudziko anosanganisira chirwere cheshuramatongo, mamiriro ezveupfumi, nezvimwe zvakawanda.

Reverend Furayi vanoti vakanga varonga kuti vaimbi vakawanda vechitenderro, vanosanganisira Blessing Shumba naFungisai Zvakavepano-Mashavave vazotandadza vanhu musi uyu.

Asi mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti vanoshamisika zvikuru nedanho remapurisa rekusabudira vafundisi ava pachena, sezvo bato ravo rakanga razivisa mapurisa kare kuti rakanga rabuda muhurongwa hwaro hwekuda kuitawo munamato musi uyu.

VaGutu vanoti pakanga pangoita kakusanzwisisika kehurongwa uhwu kadukuduku, izvo zvakange zvaita kuti bato ravo rizivisewo mapurisa risina kuziva kuti vedzisvondo vakanga vaitawo zvimwe chetezvo.

Studio 7 yakundikana kubata mapurisa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Munamato uyu waitarisirwa kutanga nenguva dzepfumbamwe mangwanani uchipera nenguva dzeina masikati.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG