Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeMDC-T kuGoromonzi Inosungirwa Kutuka VaMugabe


President Robert Mugabe waits to address crowds gathered for Zimbabwe's Heroes Day commemorations in Harare, August 10, 2015.
President Robert Mugabe waits to address crowds gathered for Zimbabwe's Heroes Day commemorations in Harare, August 10, 2015.

Mumwe murume wekwa Juru Growth Point mudunhu reGoromonzi North, VaMoenda Mbera, vakasungwa neChipiri vachipomerwa mhosva yekutuka mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachishandisa nemashoko anonzi anonyadzisa.

VaMbera, avo vane makore makumi matatu nemashanu ekuberekwa, vanowe zvakare kanzura weWard 9 uye vari nhengo yeMDC T, vanga vachifanirwa kumiswa pamberi pedare ramejasitiriti kwaMurehwa neChitatu.

Asi gweta riri kumirira VaMbera, VaKennedy Masiye, veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti muchuchisi anonzi ati haakwanise kuenderera mberi nenyaya iyi asina gwaro rekuchuchisa kana kuti certificate of prosecution.

Izvi zvinonzi zvazoita kuti dare ripe VaMbera masamanisi ekuti vadzoke kudare musi wa 26 Mbudzi.

VaMasiye vanoti VaMbera vari kupomerwa mhosva yekutyora chikamu chemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG