Accessibility links

Breaking News

Komiti yeParamende Yotenderera neNyika Ichinzwa Pfungwa dzeVanhu Pamusoro peBhajeti ra2019.


Nhengo dzeparamende dzichange dzichitenderera nenyika dzichinzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhajeti ra2019.
Nhengo dzeparamende dzichange dzichitenderera nenyika dzichinzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhajeti ra2019.

Nhengo dzekomiti yedare reparamende inoona nezve hupfumi nekurongwa kwemashandisirwo emari yenyika, ye portfolio committee on finance and economic planning pamwe nedze komiti yedare reseneti ye senate’s thematic committee, dziri kutanga neMuvhuro hurongwa hwekutenderera nenyika yese dzichinzwa pfungwa dzeveruzhinji maererano nezve mashandisirwo emari yenyika kana kuti bhajeti regore rinouya.

Paramende inoti iri kukoka vose vane shuviro yekupinda mumisangano iyi ichiti vakasununguka kupinda zvisineyi nekuti ndevebato ripi rezvematongerwo enyika.

Nhengo yekomiti iyi uye vari nhengo yeparamende yebato reMDC vachimiririra St. Mary’s kuChitungwiza VaGodwin Sithole vanoti vakaumba zvikwata zviviri zvichashanda zvichiti chimwe chichibata matunhu anoti Mashonaland East, West neCentral, Masvingo neManicaland chimwe chichibatawo Midlands neMatebeleland.

VaSithole vanoti vari kunze kwenyika vanodawo kuisa pfungwa dzavo munhaurirano idzi vanogona kutumira zvinyorwa zvavo netsamba kukero yemunyori weparamende, kana kushandisawo tsambambozha pakero inoti clerk@parliamentzim.gov.zw.

Hurongwa uhwu hunotarisirwa kupera kuitwa nemusi weChishanu svondo rino.

Hurukuro naVaGodwin Sithole
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG