Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti Kuwanda kweMapato Anopikisa Kunononotsa Shanduko


Kusawirirana kwevatungamiri muMDC T ndiko kwakakonzera kuti VaTendai Biti naVaMorgan Tsvangirai vasiyane
Kusawirirana kwevatungamiri muMDC T ndiko kwakakonzera kuti VaTendai Biti naVaMorgan Tsvangirai vasiyane

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika nevanoonawo zvavo, vanoti kunetsana kunonzi kuri kuitika mubato reMDC Renewal Team kunogona kuita kuti bato iri ripedzisire ratsemuka nepakati.

Izvi zvinotevera mashoko anonzi akataurwa nemubati wehomwe mu MDC Renewal Team, VaElton Mangoma, kuvatori venhau nemusi weChitatu ekuti kune dzimwe nhengo mubato ravo dziri kuda kuvasvibisa pamwe nekuona kuti vadonha.

VaMangoma vairamba mhosva yavari kupomerwa yekudanana nemudzimai weimwe nhengo yebato ravo.

MDC Renewal Team ibato rakatsemukawo kubva mubato reMDC-T mushure mekutsemuka zvakare kwebato iri pachiumbwa MDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube.

Imo mubato raVaNcube ndimo makabudawo rimwe bato rinopikisa reMDC 99 raitungamirirwa naVaJob Sikhala, avo vakanetsanawo naVaNcube, vakazopedzisira vavamba bato ravo, kunange hazvo vakazodzokera kuMDC-T.

Mamwe mapato anopikisa akaita seMavambo-Khusile-Dawn, neZapu akanga atovepowo pachizotevera mamwe matsva akaita seNational Constitutional Assembly, NCA, Zimbabwe Freedom Front nerimwe idzva rakaparurwa svondo rino rinonzi Zimbabweans United for Democracy (ZUNDE), nemamwe madiki.

Mutauriri weNCA, VaMadock Chivasa, vanoti kuwanda kwemapato anopikisa munyika mucherechedzo wekuti munhu anenge aine mukana wakakura wekusarudza mutungamiri waanoda.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaChrles Mangongera, vanotiwo chinhu chakaipa kuti munyika muite mapato anopikisa akawanda, sezvo izvi zvichiita kuti simba rawo rive shoma.

Vanotiwo chimwe chinoita kuti mapato ezvematongewro enyika awande munyika inyaya yekuda kudya pamwe nekuti vacho vanenge vari pahutungamiri havadi kubva pazvigaro, uye kuramba kuudzwa zvekuita.

VaMangongera vanoti mapato anopikisa anofanirwa kuchitanga kushanda pamwe chete kana achida kubudirira mukubvisa hutongi hweZanu PF.

Mashoko aya atsinhirwawo naVaChivasa, avo vanoti havaoni riri dambudziko ringatadza kugadziriswa nevanopiksa ava kana vakagara pasi.

Kunetsana kwenhengo dzemapato ezvematongerwo enyika hakusi mumapato anopikisa chete, sezvo mubato reZanu PF muinewo kukakatirana makobvu nematate uko kwakaita kuti bato iri ridzinge vaive mutewedzeri wemutungamiri waro, Amai Joice Mujuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG