Dzimwe nyanzvi munezvematongerwo enyika dzinoti mapato anopikisa anofanirwa kuedza nepaanogona napo kuona kuti sarudzo dzegore rino hadzibirirwi kusanganisira kuona kunodhindirwa mapepa ekuvhota, kubviswa kwemauto kumaruwa pamwe nekusununguka kwesangano rinoona nezvesarudzo.
Nyanzvi idzi dzinoti kuchema kwemapato anopikisa nguva dzese dzinoitwa sarudzo kuti vabirirwa kuri kuita kuti vamwe veruzhinji vashaye hany’a nekuvhota.
Mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, vaudza Studio 7 kuti mapato anopikisa kunyanya bato reMDC T iro ravati ndiro rinonyanyotsigirwa munyika, riedze kuvhara mukana wekubirwa pasarudzo dzegore rino. VaRuhanya vakurudzira kuti mapato aya anofanirwa kuwirirana neZimbabwe Electoral Commission kuchadhindirwa mapepa ekuvhota pamwe nekuona zvinenge zvichiitwa kumamisha kunyanya nevemauto.
VaRuhanya vati mapato anopikisa anofanirwa kuonawo kuti gwaro revavhoti rinobudiswa nguva ichiripo kuti riongororwe zvakakwana pamwe nekuona kuti pane vanhu vakakwana vanoongorora sarudzo vakamirira mapato.
Imwe nyanzvi munezvematongerwo enyika uye vari mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vanotiwo vemapato anopikisa vanofanirwa kurwisa kusununguka kweZEC pamwe nekuona kuti kufambiswa kwemashoko zvakasununguka kwavapo munyika.
Kubva mugore ra 2000 mapato anopikisa anga achingochema nenyaya imwe yekubirwa musarudzo izvo nyanzvi idzi dzinoti zvinofanirwa kupera.
Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuvimbisa sarudzo dzejekerere asi vemapato anopikisa vanoti hapana zvati zvaitwa kuratidza kuti kuchaitwa sarudzo dzakasununguka.
Facebook Forum