Accessibility links

Breaking News

Vanamukoti Vanosungwa Mushure Mekuedza Kuungana paChipatara cheHarare Hospital


Vanamukoti vachiratidzira muHarare. Vanamukoti vari pakuramwa mabasa vachiti vanoda kuti vapiwe mihoro yavo nemari yekuAmerica.

Sangano rinomirira vanamukoti vanoshanda muzvipatara zvehurumende, reZimbabwe Nurses Association, ZINA, rinoti nhengo dzaro dzasungwa neMuvhuro mushure mekunge dzaedza kuungana pachipatara cheHarare Central Hospital apo dzanga dzichitarisira kuita musangano.

Mutungamiri weZimbabwe Nurses Association, VaEnock Dongo vanoti vanamukoti ava vanga vachiedza kusangana kuti vazeye matambudziko ari kusangana navanamukoti anosanganisira mihoro, kuramwa mabasa kwavari kuita pamwe nekudzingwa kuri kuitwa vari kuramwa mabasa vari kugara mudzimba dzepachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals.

VaDongo vanoti vanamukoti vasungwa ava vabva kuzvipatara zvinoti Parirenyatwa, Harare Central neChitungwiza, uye panguva yataenda pamhepo vanga vasati vanzwa kuti vari kupomerwa mhosva ipi, asi vanga vakachengetedzwa pakamba yemapurisa yeMbare.

Sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights razivisa mugwaro raraburitsa kuti vanamukoti vasungwa vanosvika gumi nevatatu, uye vacharara muhusungwa vachitarisirwa kumira pamberi pedare neChipiri.

Kusungwa kwavanamukoti ava kunouya panguva iyo vanamukoti muzvipatara zvehurumende zvekuBulawayo zvinoti Mpilo, United Bulawayo Hospitals neEngutsheni, varatidzirawo vachinyunyuta kuti hurumende haisati yavapindura zvichemo zvavo.

Vanamukoti vari kuda kuti hurumende ivape mihoro yavo nemari yekuAmerica yavaitambira muna Gumiguru 2018.

Studio yaedza kubata mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, kuti tinzwe pamusoro penyaya iyi, asi vati vanga vari pane imwe nhare nekudaro vanga vasingakwanise kutaura nesu.

Hurukuro naVaEnock Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG