Vashandi vakadzingwa basa nekambani yeNational Railways of Zimbabwe, NRZ, vave kupikisa danho iri mudare repamusoro kuBulawayo vachida kuti dare rimanikidze NRZ kuti itange yavabhadhara mari dzavo dzemwedzi yavakashanda vasingabhadharwe.
Vashandi ava vari kuda zvakare kupihwa mari dzekuvatenda kana kuti package pakusiya mabasa, kana kuti vodzoserwa pamabasa.
Mutungamiri wesangano riri kumirira vashandi ava, reZimbabwe Amalgamated Railways Workers’ Union, ZARWU, VaKamurai Moyo, vanoti vamwe vevashandi vakamiswa mabasa ava vanga vave nemwedzi inodarika gumi vasati vatambiriswa mihoro yavo.
Vatiwo vamwe vange vashandira kambani iyi kwemakore anodarika makumi mana, asi vari kuda kunzi vangoenda vasina chavakabata.
NRZ inonzi yamisa vashandi vanodarika mazana mashanu mabasa kubva pakaturwa mutongo wazunguza mbambo dzevashandi muna chikunguru.