Bato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, NCA, rinoti ratuma magweta aro kuti akwire kudare repamusoro soro reConstitutional Court, achimisa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kugadza vatevedzeri vavo vaviri richiti zviri kunze kwebumbiro remitemo yenyika.
Mutauriri webato iri, VaMadock Chivasa, vanoti bumbiro remitemo idzva rinoti VaMugabe vaifanirwa kunge vakadoma vatevedzeri vavo vaviri sarudzo dzichangopera, kwete kuzozviita kwapera gore sarudzo dzaitwa.
VaChivasa vanoti bato ravo riri kutevera Sixth Schedule paragraph 14 sub-paragraph iyo vanoti inoti VaMugabe vaifanirwa kudoma vatevedzeri vavo vaviri pasina kunonoka.
Imwe nyaya inonzi naVaChivasa iri mugwaro ravo riri kuenda kudare ndeyekuti hutungamiri hwenyika hwaVaMugabe nevatevedzeri vavo vaviri hahunawo munhukadzi sezvinotarisirwa munyika ine vanhukadzi vakawanda kudarika vanhurume.
VaChivasa vanoti magweta avo eMbidzo, Muchadehama and Makoni achaendesa mapepa aya chekutanga neChishanu mangwanani.
VaMugabe vari kutarisirwa kutoresa mhiko VaEmmerson Mnangagwa pamwe naVaPelekezela Mphoko sevatevedzeri vavo vaviri.
Imwe nyanzvi munyaya dzemitemo inodzidzisa paKent University kuBritain, Doctor Alex Magaisa, vanoti nyaya yeNCA inonakidza kutevera.
Vanoti chikamu chemutemo chiri kushandiswa nebato iri nechinonzi chakashandiswawo naVaMugabe zvinonetsa kunyatsonzwisisa asi vanoti dare repamusorosoro iri rinogonawo kuramba kutambira nyaya iyi.
Zvichakadaro, bato reMDC T rinotiwo riri kuronga kuroverera VaMugabe nemhosva yekutyora bumbiro remitemo nekudzinga kwavakaita mutevedzeri wavo, Amai Joice Mujuru, kubva pachigaro richishandisa nhengo dzaro mudare reparamende.
Mutauriri webato iri, VaObert Gutu, vaudza bepanhau reNewsDay kuti VaMugabe vakazvidza bumbiro renyika nekudzinga kwavakaita Amai Mujuru, vachiti mutevedzeri wemutungamiri wenyika anofanirwa kudzingwa chete pachiteverwa bumbiro renyika.