Accessibility links

Breaking News

NAC Yotsutsumwa neKurambidzwa kweMakondomu muMahotera


National Aids Council
National Aids Council

Vesangano reNational AIDS Council (NAC) vanoti vari kutsutsumwa nenyaya yekuti vemahotera havachabvumidzwa kupa makondomu pachena kuvanhu vanopinda mumahotera avo senzira yekudzivirira kupararira kweHIV.

Izvi zvakamiswa zvichitevera zvichemo zvakapihwa nevanoshanya kubva kunyika dzechitendero chechiMoslem.

Mumahotera senzvimbo dzinowanzosasanirwa nevakawanda manga muchiiswa makondomu senzira yekudzivirira kupararira kwemukondombera. Asi izvi zvakamiswa nguva pfupi yapfuura mushure mekunge vechitendero chechiMuslim vatsutsumwa nazvo.

Mumwe mukuru muNAC, VaAmen Mpofu, vanoti izvi zvave kukanganisa mabasa avo ekurwisana neHIV/AIDS.

Sachigaro veSupreme Council on Islamic Affairs in Zimbabwe, Sheik Ishmael Duwa, vanoti ichokwadi kuti vechitendero chechiMuslim havafarire zvekuti makondomu aiswe mumahotera vachiti izvi zvange zvave kuitwa nemamwe mahotera muZimbabwe.

Vanoti kukurudzira kushandiswa kwemakondumu kukurudzira hupombwe.

Sheik Duwa vanoti chitendero chavo chinosungira kuti vanhu vasaite zvechipfambi, vamire nemudiwa mumwe chete uye vasapinda pinda vachiti izvi ndizvo zvaita kuti HIV isapararire zvakanyaya munyika dzechiMuslim.

Vanoti kunyange hazvo mahotera mazhinji asisina makondomu, pachine zvekwanda zviri kuitika maari zvisingafadze.

Vanotiwo vanozwisiziva basa reNAC asi zvakakosha kuti NAC pamwe nevemahotera vashande nezvitendero zvose pazvirongwa zvavo mubasa ravo kuitira kuti vanhu vese vafare.

Asi munyori mubazi rezvehutano, Dr. Gerald Gwinji, vanoti zvirongwa zveNAC kusanganisira chekupa vanhu makondomu zvakakosha chose mukurwisana neHIV uye zvinofanira kuremekedzwa nevanhu vese.

Dr Gwinji vanoti hausi mutemo wehurumende wekuti mahotera asave nemakondomu.

Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvehutano, Dr Ruth Labode, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo vanhu vachisungirwa kushandisa makondomu, makondomu aya haafaniri kuve pose pose mumahotera.

Zvichakadai mukuru weZimbabwe Council for Tourism iyo inomirira vane makambani anoona nezvevashandi kusanganisra mahotera, VaTich Hwingwiri, vati sangano ravo rinotsigira zvikuru basa reNational Aids Council uye vakazvipira kuita zvese zvinoita kuti nyika ifambire mberi mukudzivirira zvirwere.

Vati handinyaya yevanhu vanobva kunze chete iri kuita kuti vemahotera vasaise makondoimu vachiti mahotera inzvimbo dzinopindwa nemhuri nekudaro haafaniri kuonekwa pese pese.

VaHwingwiri vatiwo vanhu havarambidzwe kushandisa makondomu uye mamwe mahotera anotori nezvitoro zvinotengeswa makondomu nezvimwe.

Patainda pamhepo tange tisati tanzwa kubva kubazi rezvekushanyirwa kwwenyika kuti Zimbabwe inowana vashanyi vangani kubva kumaMuslim countries pagore.

Humbowo kubva kuUNAIDS hunoratidza kuti nyika idzi dzine vanhu vashomanana vanHIV kana zvichienzaniswa nenyika dzemuSub Sahara Africa dzakaita seZimbabwe uko vanhu zvikamu gumi kubva muzana zvevanhu vese vaine HIV.

Nyaya ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG