Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe muAmerica Zvoronga Mutambo Mukuru muMaryland

Muimbi Jona Masiya
Muimbi Jona Masiya

Kuti vazhinji vezvizvarwa zveZimbabwe vari kunze kwenyika vasanyanyoshuva kumusha, vanotsvaga nzira dzakawanda dzekuzvitandadza nadzo, dzinosanganisira kuita mitambo yakasiyana inosanganisira mimhanzi.

Gore rino zvizvarwa zveZimbabwe zviri mudunhu reMaryland, DC, Virginia neWest Virginia, zvakaronga mutambo weZimbabwe Music Festival, apo pachaungana vananyanduri vemisambo yakasiyanasiyana inosanganisira mbira nemarimba.

Mutambo weZimbabwe Music Festival uyu, uyo uchaitwa kwemazuva matatu kubva musi wa 28-30 Nyamavhuvhu kuTakoma Park mudunhu reMaryland muno muAmerica, uchange uchipawo mukana kune vanenge vachida kudzidziswa kuridza mbira pamwe nemarimba, uye mitauro yeChishona neNdebele.

Mumwe wevari kuronga nezvemutambo mukuru uyu uye vari nyanzvi mumhanzi yechinyakare, VaJonah Masiya, avo vanogara kuWest Virginia, vanoti bira iri richaitwa munguva dzemanheru kuitira kupawo mukana kune vanenge vaswera vari kumabasa.

VaMasiya vanoti vanhu vachauya kudandaro remafaro iri vachapinda pachena, sezvo hurongwa hwavo husiri hwekupemha mari, asi kubatanidza vana veZimbabwe kuburikidza nemhanzi yekumusha.

Zvimwe zvezvikwata zvichatandadza vanhu zvinosanganisira Motomoto Marimba, Marenje Marimba pamwe nechemuDC chinonzi Sticks and Bars.

Vanenge vachida kunzwa zvizhinji nezvekurongwa kwemutambo uyu vanogona kufona panhamba dzemuAmerica dzinoti 0013012709090, kanawo kutumira tsambambozha ku workshops@hmtrad.com.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG