Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti Kuwanda kweVanhu kuMisangano yaAmai Mujuru Mucherechedzo weChiremera Chavanacho


Amai Joice Mujuru
Amai Joice Mujuru

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika ichitungamira sangano reZimbabwe Democracy Institue, Doctor Pedzisai Ruhanya vanoti kubuda kuri kuita mhomho yevanhu ichienda kumisangano yezvematongerwo enyika iri kuitwa nemutungamiri weZimbabwe People First, Amai Joice Mujuru munongedzo wekuti vanhu vane chivimbo navo.

Ongororo yaDoctor Ruhanya iyi inouya zvichitevera musangano wakaitwa naamai Mujuru nebato ravo mukupera kwesvondo kuBindura mudunhu reMashonaland Central.

Doctor Ruhanya vanoti kubuda kwakaita vanhu mudunhu iri kunyange hazvo vanhu vainzi vakange vatysidzirwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri vebato reZanu PF kunoratidza kuti vanhu vemuMashonaland Central vakakazvipira kutambira mwana wavo.

Amai Mujuru vakashandisa musangano uyu kutsanangura madzingirwo avakaitwa muhurumende pamwe nemubato reZanu PF mushure mekupomerwa mhosva dzakasiyanasiyana dzinosanganisira kuda kubvisa mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pachigaro.

Asi Doctor Ruhanya vanoti kunyange hazvo Mai Mujuru vari kuita sevari kuwana rutsigiro rwakasimba kubva kumatunhu avashanyira kusvika pari zvino, havaoni vachibudirira musarudzo dza2018 kana vakasabatana nemutungamiri weMDC T VaMorgan Tsvangirai.

"Chimwe chavanofanirwa kuita ndechekuona kuti vanhu vose vari kupinda misangano yavo vanyoresa here kuti vave vavhoti nekuona kuti voters' roll yacho yakabatwa nani," Doctor Ruhanya vanodaro.

Mutungamiri webato rePDP, VaTendai Biti nehutungamiri hwebato ravo vakapindawo musangano wekuBindura uyu, vachiti vari kuratidza nyika kuti vemapato anopikisa vakabatana.

Hurukuro naDoctor Pedzisai Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG