Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Kuwanda kweMapato Munyika Munongedzo weHutongo hweJekerere


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti kuwanda kuri kuita mapato anopikisa munongedzo wekuti Zimbabwe ine hutongo hwejekerere. Zimbabwe Election Commission inoti munyika mave nemapato anosvika zana nemakumi manomwe kana kudarika.

VaMnangagwa vakataura mashoko aya pamusangano webato reZanu-PF kuNyamhunga Stadium kuKariba neChitatu.

Vakaudza vatsigiri vavo kuti, “Vose vane havi yekuformer tumapato twenyu fomayi tigonyatsokurakashai muna July muzive kuti Zanu-PF inorakasha, ichingorakasha, ichingorakasha. Ichingotonga, ichingotonga, ichingotonga, Zanu-PF."

Vakatiwo vaongorori vesarudzo kubva kuUnited Nations neEuropean Union vakasungunuka kuuya kuzoongorora sarudzo idzi. Nyika dzakawanda dzakaita seAmerica nedzimwe dziri mugungano reEuropean Union dziri kuti kudyidzana neZimbabwe kuchasimbaradzwa kana ichinge yaita sarudzo dzakachena nekuremekedza kodzero dzevanhu.

Nhengo yeZanu-PF inomirira Makonde uye vainge vari pamusangano uyu, VaKindness Paradza, vanoti kuwanda kwevanhu vakapinda musangano uyu munongedzo wekuti Zanu PF ichakunda musarudzo dzegore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG