Nhengo dzakawanda dzeMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, kusanganisira mudzimai akazvitakura, dzinonzi dzakuvara mukurwisana kunonzi kuri kuenderera mberi kubva neSvondo pakati pevatsigiri veZanu PF nevatsigiri veMDC T mumusha weHopley, muHarare South.
Vamwe vevakuvadzwa ava, kusanganisira mwana mudiki ane makore manomwe, vari kurapwa vari muchipatara chemuHarare.
Mhirizhonga iyi inonzi yakatanga neSvondo mushure mekunge nhengo dzeZanu PF dzatadzisa nhengo dzeMDC T kuita musangano wadzo mumusha umu.
Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti bato ravo rakanga rapihwa mvumo nemapurisa yekuti riite musangano waro wedunhu reHarare muHopley asi vakazoshamisika voonawo nhengo dzeZanu PF dzichiitawo musangano wadzo panzvimbo imwe cheteyo.
Studio7 haina kukwanisa kunzwawo divi reZanu PF sezvo tatadza kubata vebato iri kanawo mumiriri weZanu PF muHarare South, VaShadreck Mashayamombe.
Hatinawo kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.
Asi VaGutu vanoti hazvivashamise kuti Zanu PF iri kuita mhirizhonga pamadiro vachiona mashoko akataurwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, masvondo mashoma adarika kuMashonaland Central ekuti mapato anopikisa haatambirwe mumatunhu ane rutsigiro rwakanyanya rweZanu PF.
“Saka totoona kuti ikoko kwaitove kutokuchidzira mhirizhonga,” VaGutu vanodaro.
“Saka apa zvakuitika kuti nokuti vanhu veZanu PF vanofunga kuti zvavakahwinha Harare South nekubira ne violence, vave kutoona kuti zvavakaudzwa kuti MDC T haifanirwe kunge ichibvumidzwa munzvimbo inofungidzirwa neZanu PF kuti ndeyayo.”
VaGutu vanoti kunyange hazvo panga pasati paita vanhu vasungwa, vane mashoko avari kutambira ekuti dzimwe nhengo dzavo dzevechidiki dzave kuvhimwa nemapurisa.